Zvisikwa Zvisingaoneki Ndivanaani?
KuEurope, vamwe ambuya vanopinda muchechi vakabata rozari, vopfugama vachinamata pamberi pechifananidzo chaMariya. MuAfrica, imwe mhuri inodira doro paguva rehama yavanoremekedza. KuAmerica, mumwe murume anotsanya ofungisisa, aine tarisiro yokuti achakwanisa kukurukura neyaanoti ngirozi yake inomurinda. KuAsia, mupristi anopisira mapepa ane mavara-mavara kumidzimu yemadzitateguru.
CHII chakafanana pane zviri kuitwa nevanhu ava? Vose vanodavira kuti pane vamwe vanhu vane masimba anopfuura edu vatinogona kutaura navo uye vanokwanisa kutibatsira kana kutikanganisa isu vapenyu. Izvi hazvisi zvitsva uye hazvishamisi hazvo. Chinotoshamisa kusiyana-siyana kwakaita pfungwa dzokuti ndivanaani vanogara kunzvimbo iyi isingagarwi nevanhu venyama.
Vechitendero chechiIslam vanongonamata Allah chete.a Vanhu vari muchechi dzinozviti ndedzechiKristu vanoti Mwari anoumbwa naMwari Baba, Mwari Mwanakomana, uye Mwari Mweya Mutsvene. VaHindu vanoti kune vanamwari navanamwarikadzi vanopfuura chiuru. Vamwewo vanoti midzimu inogara mumhuka, miti, matombo nenzizi. Kwoitawo vaya vanongotevera zvinobuda mumabhuku, mafirimu uye mapurogiramu epaterevhizheni anoratidza ngirozi nemadhimoni, zvipoko nezvikwambo, vanamwari navanamwarikadzi.
Zvakuine pfungwa dzakawanda uye dzakasiyana-siyana pamusoro pavanamwari, panewo zvakawanda zvinotaurwa nezvokuti ungataura navo sei. Hazvina musoro kuti tifunge kuti nzira dzose dzinotaurwa dzakarurama. Somuenzaniso tisati tafonera mumwe munhu, tinofanira kuziva kuti ndiani watiri kufonera, tova nechivimbo chokuti munhu wacho ariko zvechokwadi uye foni ichadavirwa. Hazvina musoro kuedza kufonera munhu wokufungidzira. Kuedza kutaura nemunhu wokunyepedzera kungatotipinza muna taisireva.
Saka ndiani chaizvo anogara kunzvimbo iyi isingagari vanhu venyama? Bhaibheri haringopinduri mubvunzo uyu chete asiwo rinotsanangura watinofanira kukurukura naye uye kuti tingatarisira kuti atipindure sei. Ramba uchiverenga nyaya dzinotevera. Ungangoshamiswa nezvichataurwa neBhaibheri.
[Mashoko Omuzasi]
a “Allah” harisi zita asi ishoko rechiIslam rinongoreva kuti “Mwari.”