RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 11/1 pp. 18-21
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 11/1 pp. 18-21

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mbavha yaimbova gandanga ichinje mararamiro ayo? Sei musikana aiva shasha yekarati akachinja zvaaida muupenyu? Vamwe baba vaiva netariro mumwanakomana wavo vakawana mubayiro wei? Kuti upindurwe mibvunzo iyi, verenga nhoroondo dzinotevera.

“Ndava kufara pasinei nezvakaipa zvandaimboita.”—GARRY P. AMBROCIO

ZERA: 47

NYIKA: PHILIPPINES

NHOROONDO YOUPENYU: GANDANGA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira mukataundi keVintar. Bani raiva rakakura rekwataigara rakanga rakapoteredzwa nemakomo akasvibira, nzizi dzaiva nemvura yakachena uye mhepo yokufema yakachena. Pasinei norunyararo urwu, upenyu hwakanga hwakaoma. Vanhu vaiba zvipfuwo zvedu uye vaipaza dzimba dzedu.

Ndichiri kuyaruka, ini neshamwari dzangu takatanga kuchocha hwahwa nokusvuta fodya uye ndaiba kuti ndiwane mari yokusvuta neyedoro. Ndaitobira mbuya vangu zvishongo zvavo. Masoja akandifungira kuti ndaiva mumwe weboka remagandanga rainzi New People’s Army (NPA) uye aigara achindirova. Izvi zvakaita kuti ndisarudze kubatana neboka remagandanga. Takagara mumakomo neboka iri kwemakore mashanu. Upenyu hwakanga hwakaoma. Taingogara tichitiza masoja. Ndakazopedzisira ndaneta nokuhwanda mumakomo saka ndakabva ndataurira gavhuna weIlocos Norte kuti ndakanga ndisisiri mumwe wemagandanga. Akandibata zvakanaka achibva anditsvakira basa rakanaka. Kunyange zvakadaro, ndakaramba ndichingoita mabasa angu akaipa okupaza dzimba dzevanhu uye kuvatyisidzira.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Mumwe mukadzi aiva pabasa pandaishandira ainzi Loida akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mukadzi uyu akaita kuti ndionane naJovencio uyo akatanga kudzidza neni Bhaibheri. Asi nemhaka yokuti chakanga chabaya chikatyokera, ndaitanga ndambosvuta Jovencio asati auya kuzodzidza neni Bhaibheri uye ndaigara ndichipara mhosva. Ndakazopedzisira ndasungwa nemapurisa ndikatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 11. Panguva iyi ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimuteterera kuti andibatsire. Ndakamukumbira kuti andiregerere uye kuti mudzimu mutsvene wake unditungamirire nokundisimbisa.

Papera kanguva, ndakashanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha uye akandipa Bhaibheri. Ndakariverenga uye ndakadzidza kuti Jehovha ane ngoni nerudo uye anokanganwira zvivi. Ndakadzidzawo kuti Jehovha aindinzwira ngoni uye kuti akanga andipa mukana wokuti ndidzidze nezvake. Ndakamukumbira kuti andipe ushingi hwokukurira mabasa angu akaipa. Zvandakaverenga pana Zvirevo 27:11 zvakandibaya mwoyo. Ndakaona sokuti Jehovha akanga achitaura neni pachangu. Ndima iyi inoti “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”

Pandakabudiswa mujeri, ndakatangazve kudzidza Bhaibheri neZvapupu ndichibva ndatanga kuwadzana nazvo pamisangano yazvo uye ndakatanga kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwangu. Pakupedzisira ndakakwanisa kusiya tsika dzangu dzakaipa ndichibatsirwa naJehovha. Ndakabva ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndava kufara pasinei nemararamiro akaipa andaimboita. Mararamiro akaipa andaiita aindiita muranda, asi iye zvino ndava nounhu hutsva. (VaKorose 3:9, 10) Ndava neropafadzo yokuwadzana nevanhu vaJehovha vakachena uye yokubatsira vamwe kudzidza nezvaMwari wemasimbaose, Jehovha.

“Ndaida kumiririra Brazil.”—JULIANA APARECIDA SANTANA ESCUDEIRO

ZERA: 31

NYIKA: BRAZIL

NHOROONDO YOUPENYU: SHASHA YEKARATI

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muLondrina. Kunyange zvazvo vakawanda vaiva varombo, nzvimbo iyi yakanga yakachena uye iine runyararo. Pandakanga ndava nemakore 10, hanzvadzi yangu yakandikurudzira kuti ndibatane nayo kudzidzira mutambo wekarati unonzi tae kwon do izvo zvinoreva kuti “kushandisa maoko nemakumbo.” Baba vakanga vasingadi kuti ndidzidzire mutambo uyu asi vakazongoti zvino ndodini vakandirega.

Ndakadzidzira chaizvo mutambo uyu ndikahwina kakawanda pamakwikwi aiitirwa kuParana. Ndakazohwina makwikwi emunyika iyi uye muna 1993 ndakanzi ndini ndaiva shasha yemutambo uyu muBrazil. Ndaida kukwikwidza mumakwikwi epasi rose. Pamusana pokuti mhuri yedu yaikwangwaya uye isingakwanisi kundibhadharira, ndakatadza kuenda kwaizoitirwa makwikwi aya.

Ndaingoti dai mutambo uyu ukazoitwa kumaOlympic uye izvi ndizvo chaizvo zvakazopedzisira zvaitika. Ndaida kumiririra Brazil pamitambo yemaOlympic saka ndakadzidzira chaizvo uye ndakawana bhezari rokuenda kunokwikwidza kuFrance, Vietnam, South Korea, Japan, uye South America. Ndaida kuzonokwikwidza kumitambo yePan America saka ndakatamba zvakanaka chaizvo ndikabva ndanzi ndive mumwe wevanhu vatatu vakasarudzwa kuti vaizonokwikwidza kuSanto Domingo, Dominican Republic, muna 2003.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 2001, ini nemurume wandaigara naye takaonana neZvapupu zvaJehovha, vakabva vatanga kudzidza nesu Bhaibheri. Pakutanga zvakanga zvisingambonyanyi kundinakidza. Ndaigara ndakangoneta zvokuti zvaindiomera kuisa pfungwa dzangu pane zvandaidzidza uye ndaiwanzotsumwaira pataidzidza. Kunyange zvakadaro, zvandaidzidza zvakandibaya mwoyo. Izvi zvakazooneka pamakwikwi makuru aizotevera.

Nemhaka yokuti ndakanga ndasarudzwa kunokwikwidza kumitambo yePan America, vadzidzisi vomutambo uyu vakati ndimbokwikwidza pamutambo wokugadzirira. Nguva yokuti ndirwe payakasvika, ndakapinda mudariro ndokungoti tumbi ndichinzwa ndisingadi kurwa. Ndakabva ndangofunga kuti muKristu haafaniri kurovana nevanhu kunyange tichiita zvokutamba. Ndakayeuka murayiro womuBhaibheri wokuti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 19:19) Ndakabva ndangofuratira ndokubuda mudariro. Vanhu vakangoti kanha nazvo.

Pandakasvika kumba, ndakagara pasi ndikafunga zvandakanga ndichifanira kuita noupenyu hwangu. Ndakatora bhurocha rinotaura zvinodiwa naMwari kwatiri rakabudiswa neZvapupu. Mubhurocha racho maiva norugwaro rwaPisarema 11:5, runoti nezvaJehovha: “Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” Mashoko iwayo akandibaya mwoyo, ndikabva ndasarudza kurega mutambo uyu.

Vaindidzidzisa mutambo uyu havana kufara nazvo. Vakaedza kuti ndichinje mafungiro angu vachiti ndini ndaiva shasha munyika yacho yose uye kuti ndakanga ndava kutozonokwikwidza kumitambo yeOlympic. Asi ndakati zvandasarudza ndizvozvo.

Panguva iyi, takanga tachata nomurume wandaigara naye. Iye akanga ava kutoita basa rokuparidza pachena neZvapupu. Aidzoka kumba akafara zvokufara zviya achindiudza nezvezvaaiva ataura nevanhu. Ndaiziva kuti kana ndichidawo kuwana ropafadzo iyoyo, ndine zvandaifanira kuchinja muupenyu hwangu. Ndakanyora tsamba yokuoneka kuchechi kwangu ndikapedzisira ndanzi ndakodzera kuva Chapupu chakabhabhatidzwa.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ini nomurume wangu tinofara chaizvo uye tava kunyatsowirirana nokuti mumba medu tava kuedza kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Ndinofara kumutsigira paanenge achibatsira kutarisira ungano yatinopinda nayo. Dai ndakada hangu ndingadai ndakatamburira kuhwinha menduru yegoridhe uye kuva nomukurumbira. Asi ndinoziva kuti munyika ino isina kururama hapana chingaenzana neropafadzo yokushumira Jehovha Mwari.

“Baba vangu havana kumbokanda mapfumo pasi.”—INGO ZIMMERMANN

ZERA: 44

NYIKA: GERMANY

NHOROONDO YOUPENYU: AIRINDA PANZVIMBO YEMADHINDINDI

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa mutaundi raicherwa marasha reGelsenkirchen uye vabereki vedu mumwe nomumwe aiva nechechi yake. Baba vangu vakanga vari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi amai vangu vaishora baba pavaiedza kutidzidzisa zvavaitenda, ini nomukoma wangu nehanzvadzi dzangu mbiri. Baba vaishanda maawa anopfuura 10 pazuva vachidhiraivha marori. Vaiwanzotanga basa na2 kana 3 pakati pousiku. Asi vaishanda nesimba kutibatsira kuti tive noukama naMwari. Pasinei neizvi, ndakanga ndisina basa nezvavaiita.

Pandakanga ndava nemakore 15, ndakatanga kufinhwa nemisangano yavaiti tipinde ndichibva ndapanduka. Papera gore, ndakatanga kuita zvetsiva. Mumakore maviri akatevera ndakashungurudza baba vangu nemararamiro andaiita. Ndakanga ndava kugara ndoga pandakanga ndava nemakore 18.

Ndaifarira zvemitambo chaizvo zvokuti ndaidzidzira kuita zvetsiva uye kusimudza masimbi katanhatu pavhiki. Pakupera kwevhiki, ini neshamwari dzangu taiti kune madhindindi ndiko kwatiri. Mumwe musi ndakavhiringana nemumwe mukomana aityisa tikapedzisira takakandana zvamatsenganzungu ndikamukurira. Muridzi wedhindindi akazviona achibva angondipa basa rokuva murindi wenzvimbo yemadhindindi. Akandivimbisa mari svinu saka ndakabvuma.

Mugovera neSvondo yoga-yoga, ndaimira pamusuo ndichibvumidza kana kurambidza vanhu kupinda. Vanhu vaisvika 1 000 vaizara mudhindindi saka ndairamba ndakabatikana. Zvibhakera zvaiva zvisingazivani. Ndaivhundutsirwa nepfuti uye mabhodhoro akapwanyika. Vamwe vandairambidza kupinda kana kuti vandaidzingira kunze vaindimirira panze vachida kutsiva. Ndaiva nemakore 20 uye ndaifunga kuti hapana aizondirova. Chiripo ndechokuti ndakanga ndisingachadzoreki, ndichida zvokurwa, ndichizvidhonza, ndichida chinzvimbo uye ndakaoma musoro.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Baba vangu havana kumbokanda mapfumo pasi. Vakaronga kuti magazinia eNharireyomurindi neMukai! atumirwe kwandaigara. Aingoita murwi ndisingaaverengi. Rimwe zuva ndakati regai ndimboona kuti chii chimborimo. Nyaya dzandakaverenga dzaitaura nezvekuti zvematongerwo enyika, zveupfumi uye zvechitendero zvichapera sei dzakaita kuti ndifonere hanzvadzi yangu. Iye nomurume wake vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Vakati vaigona kudzidza neni Bhaibheri uye ndakabvuma.

Zvinotaurwa pana VaGaratiya 6:7 zvakaita kuti ndichinje mararamiro andaiita. Kubva pane zvakaitika muupenyu hwangu ndakaziva kuti chero chandinoita, chandinotaura kana chandinosarudza ndicho zvichatema kuti ramangwana rangu rakamira sei. Chimwe chakanyanya kundikurudzira chikumbiro chiri pana Isaya 1:18 chinoti: “‘Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,’ anodaro Jehovha. ‘Kunyange zvivi zvenyu zvikava somucheka wakati piriviri, zvichacheneswa sechando.’” Kubvira pandakatanga kudzidza chaipo, rugwaro urwu rwakandibatsira kuti ndisanzwa somunhu asina zvaanobatsira uye ndisafunga kuti upenyu hwangu hahuchagadziriki.

Mumwedzi mitanhatu ndakanga ndachinja upenyu hwangu zvinoshamisa asi zvakanga zvisiri nyore. Ndaifanira kubva panzvimbo isina kunaka uye kusiyana neshamwari dzisina kunaka. Saka ndakatanga kuudza shamwari dzangu kuti ndaidzidza Bhaibheri uye kuvaudzawo zvandaidzidza. Vakabva varamba kushamwaridzana neni uye vakanga vava kutonditi mupristi. Ndakazowana basa rakanaka ndichibatsirwa nehanzvadzi yangu.

Ndakatanga kuenda kumisangano paImba yoUmambo yaiva kure nemakiromita 30 kwaiendwawo nehanzvadzi yangu nemurume wayo. Pane Imba yoUmambo yaiva pedyo nekwandaigara asi ndainyara kuzosangana nevanhu vaindiziva kubva ndichiri muduku. Ndaityawo kuenda kunoparidzira paimba neimba kwandaigara. Ko kana ndikazosangana nemunhu wandakamborova pataiva kumadhindindi kana munhu wandakambopa zvinodhaka? Asi ndakaita zvandakadzidziswa pandakanga ndichiri kuita zvokusimudza masimbi, kuti zvacho zvinonyanya kurwadza ndizvo zvinotofanira kuitwa. Pandakangokodzera kuenda kunoparidza, ndakatanga kuparidza zvokuparidza zviya.

Rimwe dambudziko randaifanira kukurira raiva rousimbe hwokuverenga uye kudzidza. Asi ndaiziva kuti ndaifanira kudzidza zvakadzama chokwadi chiri muBhaibheri kuti ndive nokutenda kwakasimba. Ndakaona kuti ndaifanira kushanda zvakaoma kuti ndive nesimba sezvandaingoita pandaisimudza masimbi.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndinofara kuti ndichiri mupenyu. Ndichiri kufanira kungwarira kuti ndisaita zvandaimboita. Asi iye zvino ndava kunakidzwa nemararamiro atiri kuita mumhuri medu nemudzimai wangu uyo ane unhu hwakanaka hwechiKristu. Pakati peZvapupu zvaJehovha ndine shamwari dzechokwadi dzandinogona kunyatsovimba nadzo. Baba vangu vakafa makore mashanu apfuura, asi vasati vafa vakafara chaizvo kuti ndakanga ndava kunamata.

[Mashoko Omuzasi]

a Anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe