Waizviziva Here?
Muapostora Pauro airevei paakati aiva ‘nemavanga okuva muranda waJesu pamuviri wake’?—VaGaratiya 6:17.
▪ Kuvanhu vaiteerera Pauro muzana ramakore rokutanga, mashoko aya anogona kunge aine zvakasiyana-siyana zvaaireva. Somuenzaniso, musungwa womuhondo, mbavha dzaiba mutemberi uye nhapwa dzainge dziri vapoteri dzaiiswa muchiso nesimbi yaipisa yakatsvuka kuti piriviri. Vanhu pavaiiswa muchiso uyu zvairatidza kuti vashorwa chaizvo.
Asi hapasi pose painzi michiso iyi yakaipa. Vanhu vakawanda vairarama kare vaiishandisa kuti varatidze kuti ndeverudzi rupi kana kuti chitendero chipi. Somuenzaniso, maererano nezvinotaurwa neTheological Dictionary of the New Testament, “vaSiriya vaizvipira kunanamwari vainzi Hadad naAtargatis vaiiswa michiso paruoko kana kuti muhuro. Vaya vaizvipira kuna Dionysus vaiiswa michiso yerimwe shizha raigara rakasvibira.”
Mazuva ano vakawanda vanotaura nezveBhaibheri vanofungidzira kuti Pauro aireva mavanga aaiva nawo akakonzerwa neutsinye hwaakaitirwa panguva yaaiita basa rechiKristu roumishinari. (2 VaKorinde 11:23-27) Kunyange hazvo zvakadaro, chairehwa naPauro akanga asiri mavanga chaiwoiwo asi kuti mararamiro ake ndiwo akaita kuti azivikanwe somuKristu.
Maguta okupotera omunguva yavaIsraeri akapedzisira ava nzvimbo dzaivanda matsotsi here?
▪ Kare vahedheni vaishandisa temberi dzakawanda kuti vavanze vapoteri kana kuti matsotsi. Munguva yeMiddle Ages chiKristudhomu chaishandisa dzimba dzaigara vafundisi uye machechi kuti vavanze vapoteri ava kana kuti matsotsi. Asi mitemo yaiva nechokuita nemaguta okupotera evaIsraeri yaiita kuti matsotsi asambouya kuzopotera.
Mutemo waMosesi waiti maguta okupotera aingodzivirira munhu ainge auraya asi asina kuzviita nemaune. (Dheuteronomio 19:4, 5) Aigona kutizira chero kuguta rokupotera raiva pedyo, kure nehama yechirume yemunhu waainge auraya, uyo aigona kumuuraya achida kutsiva. Pashure pokunge ataura nyaya yake kuvarume vakuru veguta, mupoteri aimbomiswa pamberi pedare muguta raitonga nzvimbo yafira munhu wacho. Ikoko aiwana mukana wokuti aratidze kuti haana mhosva. Vakuru vaiongorora kuti mupoteri uyu nemunhu aurayiwa vaiwirirana here, voona kana pakanga pasina kakuvengana.—Numeri 35:20-24; Dheuteronomio 19:6, 7; Joshua 20:4, 5.
Kana zvaizoonekwa kuti haana mhosva aigona kudzokera kuguta rokupotera oramba arimo asingabudimo. Maguta aya akanga asiri majeri. Mupoteri uyu aishanda achibatsira munzvimbo iyoyo. Paizofa mupristi mukuru, vapoteri vose vaigona kudzokera vakasununguka.—Numeri 35:6, 25-28.
[Mepu iri papeji 15]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
MAGUTA OKUPOTERA
1 KEDHESHI
2 GORANI
3 RAMOTI-GIRIYEDHI
4 SHEKEMU
5 BHEZERI
6 HEBRONI
Rwizi rwaJodhani