Chechishanu
Pedza Nyota Yezvokunamata
BHAIBHERI RINODZIDZISEI? “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.
CHINOITA KUTI ZVIOME. Pasi rose kune zvitendero gumi nefararira uye zvizhinji zvacho zvinodzidzisa nzira dzinopesana dzokupedza nyota yezvokunamata. Ungaziva sei chitendero chinodzidzisa chokwadi uye chinonyatsofadza Mwari? Vamwe vanyori vakakurumbira vanoti kutenda muna Mwari uye kuzvipira kwaari kushaya pfungwa uye kunotovhiringa. Magazini yaMaclean inotaura muchidimbu maonero emumwe munhu akakurumbira asingatendi kuti kuna Mwari ichiti: “Iyi dzidziso yevaKristu yokuti pane wemasimba ose asingazivikanwi nevesayenzi uye watisingagoni kunzwisisa inoita kuti vanhu vasagutsikana muupenyu uye ndiyo inoita kuti vanhu vanyanye kurwisana.”
ZVAUNGAITA. Ongorora uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko. (VaRoma 1:20; VaHebheru 3:4) Usarega mumwe munhu achikudzosera mumashure pakutsvaka mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai sokuti: Nei tiri panyika? Kune upenyu pashure porufu here? Sei vanhu vachitambura zvakadai? Mwari anodei kwandiri? Kuti unyatsogutsikana zvechokwadi, zvinotobva pakuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi.
Asi usangoita gundamusaira pane zvaunoudzwa nevanhu. Shoko raMwari rinokukurudzira kuti ushandise ‘simba rako rokufunga’ kuti uone kuti zvinogamuchirwa naMwari ndezvipi. (VaRoma 12:1, 2) Mwari achakomborera zvauchaita. Kana ukawana nguva yokudzidza Bhaibheri uye kushandisa mazano arinotaura uchadzivisa matambudziko, hauzozvidyi mwoyo zvakanyanya, uye uchawedzera kufara muupenyu. Iyoyo ivimbiso yechokwadi. Mamiriyoni evanhu vanobva kwakasiyana-siyana akabatsirwa chaizvo nokudzidza chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake. Somuenzaniso, verenga nezvenyaya dzakaitika muupenyu hwevamwe vanhu dziri papeji 18 kusvika ku21 mumagazini ino.
Kuzvipira kwako kuna Mwari kuchawedzera sezvaunoramba uchishandisa mazano ouchenjeri ari muBhaibheri. Wadii kubvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha? Kana ukadaro, uchabvumirana nemuapostora Pauro uyo akanyora kuti: “Kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo.”—1 Timoti 6:6.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Ona kuti zvinogamuchirwa naMwari ndezvipi