Waizviziva Here?
Nei bhuku reBhaibheri ra1 VaKorinde richitaura nezvenyama yainge yakabayirwa kuzvidhori?
▪ Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchidya zvinhu zvose zvinotengeswa pamusika wenyama, musingabvunzi nokuda kwehana yenyu.” (1 VaKorinde 10:25) Nyama iyoyo yaibva kupi?
Pamitambo yaiitwa patemberi nevaGiriki nevaRoma paiurayiwa mhuka dzezvibayiro, asi haisi nyama yose yezvibayiro zvemhuka idzi yaidyiwa pamitambo yacho. Dzimwe nyama dzaisara patemberi dzevahedheni dzaizonotengeserwa vanhu mumisika. Bhuku rinonzi Idol Meat in Corinth rinoti: “Dzimwe nguva vakuru vakuru vezvitendero vanonzi vabiki kana kuti vatengesi venyama. Pavaiuraya mhuka dzezvibayiro, vaipiwawo imwe nyama, yavaizotengesa pamusika.”
Asi hazvirevi kuti nyama yose yaitengeswa kumisika ndeyakanga yasara kumitambo yekunamata. Pane zvakacherwa pamusika wenyama wokuPompeii, (muchiLatin, macellum) panoratidza kuti paiva pazere marangwanda emakwai. Nyanzvi yeBhaibheri inonzi Henry J. Cadbury inoti, izvi zvinoita sokunge kuti “mhuka dzacho dzaitotengeswa dziri mhenyu kana kuti dzaiurayirwa mumacellum uye kutengeswa dzatourayiwa kana dzatombopirwa sezvibayiro mutemberi.”
Saka zvairehwa naPauro ndezvokuti, kunyange zvazvo vaKristu vakanga vasingabatanidzwi pakunamata kwenhema, nyama yainge yapirwa mutemberi iyo pachayo yakanga isina hayo kusvibiswa.
Chii chaiita kuti vaJudha nevaSamariya vomuzuva raJesu vasawirirana?
▪ Johani 4:9 inoti “vaJudha havadyidzani nevaSamariya.” Zvinoita sokuti kusawirirana uku kwakatanga kare Jerobhoamu paakatanga kunamata zvidhori muumambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi hwaIsraeri. (1 Madzimambo 12:26-30) VaSamariya vaibva kuguta guru roumambo hwokuchamhembe rainzi Samariya. Madzinza gumi paakakundwa nevaAsiriya muna 740 B.C.E., vaAsiriya ava vakaita kuti vanhu vokune dzimwe nyika vainamata vanamwari venhema vagare muSamariya. Kuroorana kwakanga kwava kuita vanhu vomunyika iyi nevokune dzimwe nyika ava kwakaita kuti kunamata kwavo kurambe kuchishatiswa nevaSamariya.
Kwapera mazana emakore, vaSamariya vakavhiringidza zvaiitwa nevaJudha vakanga vadzoka kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa zvokuda kuvakazve temberi yaJehovha nemasvingo eguta reJerusarema. (Ezra 4:1-23; Nehemiya 4:1-8) Kurwisana kwezvitendero izvi kwakatowedzera vaSamariya pavakavaka temberi yavo paGomo reGerizimu, munenge muzana remakore rechina B.C.E.
Panguva yaiva naJesu pasi pano, shoko rokuti “vaSamariya” rainyanya kureva kapoka kechitendero kupfuura kureva nzvimbo yaibva vanhu vacho, uye raireva munhu womukapoka kechitendero kaiva muSamariya. VaSamariya vakanga vachiri kunamata vari paGomo reGerizimu, uye vaJudha vaivazvidza, uye vaisavaremekedza.—Johani 4:20-22; 8:48.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ndiro yevhu inoratidza chibayiro chemhuka muzana remakore rechitanhatu B.C.E.
[Kwazvakatorwa]
Musée du Louvre, Paris
[Mufananidzo uri papeji 12]
Jerobhoamu ndiye akatanga kunamata zvidhori