RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 9/1 pp. 16-17
  • Rimwe Zuva Tiri Kumhenderekedzo Kwegungwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rimwe Zuva Tiri Kumhenderekedzo Kwegungwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Unofanira Kubhapatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 9/1 pp. 16-17

Tsamba Inobva kuGrenada

Rimwe Zuva Tiri Kumhenderekedzo Kwegungwa

KANA zvikaitika kuti wakumbirwa kunoshanda somumishinari kune imwe nyika, mafariro acho ndeokunge uchabata denga. Sezvinongoita kamwana kadiki kane shungu dzokuda kuziva zvinhu kakanyatsovhura maziso, unotanga kufungidzira kuti vanhu vacho vakadii, nzvimbo yacho yakaita sei uye zvichaitika paunenge uri muushumiri.

Ini nomudzimai wangu patakanzi tinoshumira kuGrenada uko kune nzvimbo dzine jecha dzakanakira kusharanganya dzinosvika 45, takashaya neromuromo asi taingofungidzira kuti saka kwakaita sei. Taitarisira kuzonakidzwa ikoko, asi mufaro wedu waizobva pakuona vanhu veko kwete pakudziya zuva kana kuti pakuona masaisai.

Kubva kumba kwedu kuGrenada kuenda kumhenderekedzo yeGrand Anse hakusi kure kana tichishandisa motokari uye rwendo rwacho rune zvinhu zvinoyevedza. Mugwagwa wacho wakamonyoroka-monyoroka zvinobva zvaita kuti tikwanise kuona dzimwe nzvimbo dzakanaka chaizvo. Mumativi mezvikomo makasvibirira chaizvo. Pose patinokona tinoona makomo, masango ane miti yakasiyana-siyana yakasvibira, mapopoma emvura uye masaisai egungwa. Ndokusaka vashanyi vakawanda vachiuya kubva kunyika dzakasiyana-siyana! Nzvimbo yacho inoyevedza zvokuti mutyairi akaita chiringa-ringa anobondera. Migwagwa yacho inomonyoroka zvokuti dzimwe nguva motokari dzinopesana mumugwagwa mumwe chete dzinenge dzava kufamba pedyo napedyo zvokuti unoshamisika kuti sei dzisingabonderani.

Takasvika panzvimbo inoitirwa magungano iri padivi pomugwagwa pedyo nemhenderekedzo yeGrand Anse. Hapana kutora nguva refu boka reZvapupu zvaJehovha rinosvika 600 raungana pazuva iri rinonakidza vachiwadzana uye vachidzidziswa Bhaibheri. Zuva racho raikosha chaizvo kune murume nomukadzi vakanga vave nemakore okuma70 vainzi Lesley naDaphne. Lesley akanga ari kuzobhabhatidzwa. Daphne ainge akamirira zuva iri kwenguva yakareba chaizvo nokuti ainge akatobhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1958.

KuZvapupu zvaJehovha, kubhabhatidzwa zvichinyudzwa muviri vose mumvura kunokosha chaizvo. Idanho rinotorwa kana munhu achinge ava nezivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri uye achiishandisa muupenyu hwake. Kuratidza voruzhinji kuti munhu azvitsaurira kuna Jehovha Mwari.

Ndakakumbirwa kuti nditsanangurire vanhu vaivepo zvinotaurwa neMagwaro nezvokubhabhatidzwa. Hurukuro yava kunopera Lesley akasimuka pamwe chete nevamwe vaviri vaida kubhabhatidzwa. Akanga akapfeka hembe chena yakanyatsoiswa mupono akasunga tai achinyemwerera kusvika kunzeve. Ndakabvunza kuti: “Wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha kuti uite zvaanoda here?” Waigona kuona kurevesa uye kuzvipira kwake nekwevamwe pavakapindura nemwoyo wose vachiti “Hongu!”

Zvakaitwa naLesley izvi zvakandibaya mwoyo kana ndikafunga mararamiro aaimboita. Kwemakore, akanga asingadi kudzidza Bhaibheri. Iye nomudzimai wake vakazoshanyira chimwe chitsuwa. Vari ikoko vakasarudza kuti mumwe nemumwe aende kuchechi kwake. Lesley akaudza Daphne kuti: “Iwe enda kuchechi kwako ini ndoenda kwangu.”

Lesley akanosiya Daphne paImba yoUmambo achibva aenda kuchechi yeAnglican iri munzvimbo iyoyo. VanaLesley pavakapedza chechi, akabva adzoka kuImba yoUmambo kuti azotora mudzimai wake. Ari paImba yoUmambo, vanhu vakawanda vairatidza kuti vane mutsa uye ushamwari vakauya kuzomukwazisa vachifara kunyange zvazvo vakanga vasati vambomuona. Izvozvo zvakamubaya mwoyo. Kuchechi kwake hapana kana munhu ainge ambotaura naye. Lesley akaudza Daphne kuti: “Handichadzokerizve kuchechi iyi. Hapana kana munhu ambotaurawo neni, kana mupristi chaiye. Ndapinda ndikabuda, kana mumwe ambondimhoresawo.” Lesley paakabuda muchechi umu, ndiko kakanga kari kokupedzisira kutsika gumbo rake imomo.

Mushure mokunge izvi zvaitika, Lesley akabva atanga kunyatsodzidza Shoko raMwari. Iye zvino akanga agadzirira kubhabhatidzwa. Vaida kubhabhatidzwa vakaenda kumhenderekedzo yegungwa uye isu takatevera tiri nechokumashure. Sezvo gungwa raive pedyo, paiva pasina chikonzero chokuti pagadzirwe nzvimbo yokuti vanhu vabhabhatidzirwe sezvinowanzoitwa mumagungano eZvapupu zvaJehovha. Takangoyambuka mugwagwa chete.

Mhenderekedzo yegungwa reGrand Anse inzvimbo yakanaka chaizvo ine jecha jena yakafara makiromita anoti pfuurei matatu uye kwegore rose inenge iine mvura yakachena zvokuti unoona denga seriri mumvura imomo. Vashanyi vaishamisika pavaiona boka revanhu richisvika kumahombekombe paine varume vakasunga matai uye vakadzi vakapfeka madhirezi nemasiketi. Lesley ainge achinja hembe dzake uye ainge apfeka T-shirt nechikabudura. Chimbofunga kuti Daphne akanzwa sei paakaona murume wake achibhabhatidzwa papera makore 50 iye abhabhatidzwa! Daphne ainyemwerera zvokunyemwerera zviya. Kunyange vashanyi vainge varipo vainakidzwawo nezvaiitika. Vaitoomberawo maoko apo mumwe nomumwe aibhabhatidzwa.

Zvatinoona tiri kumhenderekedzo uku zvinoti denga rebhuruu, jecha jena, uye masaisai anofamba zvinyoronyoro zvinotopa mbiri kuMusiki. Zvakabva zvatowedzera pakabuda vatatu ava mumvura vachibva kunobhabhatidzwa. Kuvaona vachiita izvi kwakaita kuti mwoyo yedu ifare kupfuura kudziyirwa kwataiitwa nezuva. Chokwadi raiva zuva rinokosha. Lesley naDaphne havambofi vakarikanganwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe