RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 6/1 pp. 16-17
  • “Pane Munhu Angamira Pakadai?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Pane Munhu Angamira Pakadai?”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Hapana Munhu Anogona Kushandira Vanatenzi Vaviri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 6/1 pp. 16-17

Tsamba Inobva kuSouth Africa

“Pane Munhu Angamira Pakadai?”

“NECHEPADIVI pemugwagwa mukuru pane chikwangwani chine yambiro yokuti, “NZVIMBO INO INE NGOZI—MATSOTSI NEPFAMBI.” Tinobuda mumugwagwa uyu toenda nekanzira kasina tara kune dzimwe motokari shoma dzakamira pabhodhi rekushambadzira mashoko rinenge rakanongedza nzvimbo iri nechekure yakanaka chaizvo yokushanyira uye inotambirwa casino. Motokari mbishi dzinopfuura dziri mhepo chaiyo, uye zviri kutooneka kuti vanhu vari mumotokari dzacho vari kutitarisa nepamahwindo vachishamisika chaizvo. Zvinoita sokuti matarisiro avo ndeokuti, ‘Pane munhu angamira pakadai?’

Motokari yedu painomira, tinobuda tobatana neboka revanhu vakapfeka zvakanaka vakamira pamumvuri webhodhi rokushambadzira mashoko. Boka redu rine vanhu vemarudzi akasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana, zvinhu zvisati zvanyanya kujairika muSouth Africa. Tafamba makiromita anenge 100 kuti tisvike kuno kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweJohannesburg, kuitira kuti tiudze vanhu vanogara mumisha yekuno chokwadi cheBhaibheri.

Tinoita musangano mupfupi nechepadivi penzira kuti tikurukure ndima iri muBhaibheri uye kuti tiite urongwa hwokuparidza paimba neimba. Munyengetero unopiwa, tobva tadzokera kumotokari dzedu. Mhiri kwebani nechokure kune tudzimba nezvitangwena zvakangovakwa pose pose. Tudzimba utwu twakavharidzirwa nemirwi yemavhu anobudiswa mumigodhi yeplatinum. Mamiriro akaita nzvimbo yacho anoratidza kuti vanhu varimo varombo chaizvo pasinei nokuti pavanogara apa pane pfuma chaiyo mumigodhi.

Ini nemudzimai wangu tine vashanyi vaviri vanobva kuGermany, uye tiri vana kudaro tinotanga kushanyira imba neimba achiri mangwanani. Anenge munhu mumwe chete pavatatu vanogara muno haashandi, saka dzimba dzacho ndedzekungotamburira. Zvitangwena zvacho zvakawanda zvakavakwa nemapango, zvikapfirirwa nemazen’e akarovererwa nezvipikiri pobva paiswa zvivharo zvemabhodhoro kuitira kuti zvipikiri zvisazvomoka.

Patinosvika paimba yoga yoga tinomhorosa vanhu tiri kugedhi, uye kazhinji amai vepamba ipapo ndivo vanouya kuzotigamuchira. Vatinotaura navo vanoda chaizvo kunzwa mashoko atinawo uye vanotibata sevashanyi vanoremekedzwa. Zuva rinorova marata zvokuti mudzimba munopisa chaizvo kana ari masikati. Vana vanowanzotumwa kunotora zvigaro kuti vazviise pasi pomuti, uye tinobva tanzi tigare pamumvuri.

Mhuri yacho inogara pasi pazvituro kana kuti pamakireti emabhodhoro akapidigurwa. Kunyange vana vaduku vanodanwa kwavari kutamba nematoyi avakazvigadzirira vouya kuzoteerera. Tinovavhurira magwaro tokumbira vana vava kuenda kuchikoro kuti vaverenge mabhuku edu eBhaibheri. Munhu wose anofara kugamuchira mabhuku edu, uye vakawanda vanoti tidzoke.

Zuva parinenge racheka nyika, tinombomira kuti tidyire-dyire uye twinwire-nwire tisati tadzokera kunoshanyira vatakamboshanyira. Watinotanga kuona ndiJimmy, mumwe murume wokuMalawi anoshandira mune mumwe mugodhi weplatinum. Tava nemwedzi yakati oo tichishanyira Jimmy. Pose patinomushanyira anofara, uye tava nenguva tichikurukura Bhaibheri naye. Jimmy akaroora mukadzi wechiSetswana womuno uye vane vana vaviri vanofara chaizvo. Patakapedzisira kushanya takawana asipo, saka tinoda chaizvo kuona kuti akadini.

Patinosvika pamusha waJimmy usina zvakawanda, tinobva tatongoona kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Gadheni rake rinosigara rakasakurirwa zvakanaka rakazara bundo, chibage chaakadyara chatosvava, uye huku dzaisimboteta-teta pasi dzichitsvaka zvokudya hapasisina. Suo rakakiyiwa nezicheni zihombe nechokunze. Mumwe muvakidzani wacho anouya kuzoona kuti tiri kudei. Tinomubvunza kana angaziva kuti Jimmy ari kupi. Anotiudza mashoko anorwadza: Jimmy akafa, uye mukadzi wake akadzokera kumusha kwake nevana.

Kana ukanyanya kubvunzisisa zvingaita sokuti hauna tsika dzakanaka, asi tinobvunza kuti zvakafamba sei. “Airwara achibva azofa,” mukadzi uya anotiudza kudaro. “Mazuva ano kwava nezvirwere zvakawanda. Vanhu vakawanda vari kufa.” Kunyange zvazvo asina kutaura kuti akafa nei, sezvo nyaya dzakadai dzisinganyanyi kutaurwa nezvadzo, makuva ari kuramba achiwedzera anonyatsoratidza kuti zvataurwa nomukadzi uya ichokwadi. Tinokurukura naye nezvetariro yorumuko kwekanguva, uye takazara neshungu, tinozoenda kune mumwe watiri kuda kuona.

Tinopinda mune mumwe musha tonanga kuraini rokupedzisira pedyo nepanorasirwa marara ose omumugodhi. Tinozopinda munzira iri nechokunogumira mugwagwa wacho. Pane rimwe dombo riri mugadheni pakanyatsonyorwa zvakajeka mashoko okuti: “Kuti pamunhondo pamusasa kunokupedzera nguva; kuverengera ndiko kunonyanya kuzvikonzera.” David,a muridzi wechikwangwani ichi, anodongorera ari seri kwemota yake yekare inonzi Volkswagen Beetle. Anoteyiwa nezuva rava kunyura obva anyemwerera paanoona kuti ndisu, chiedza chobva chateya zvaakaiswa pamazino ake okumberi. Anopukuta maoko ake obva auya kuzotikwazisa.

“Mhoroi shamwari dzangu!” anodaro. “Hindava kurova so?” Tinofara kuona David zvakare. Anokumbira ruregerero kuti haakwanisi kuva nesu kwenguva yakareba nhasi nokuti patakapedzisira kuonana akazosara achiwana basa uye anofanira kutokurumidza kuenda kumugodhi. Pose patinenge tichikurukura, David anenge achingonyemwerera. Anotaura achifara kuti: “Zuva riya ramakatanga kundiona rakachinja upenyu hwangu! Ndinorevesa, handizivi kuti ndingadai ndiripi dai musina kuuya.”

Takurudzirwa, tinosiya David. Zuva parinotanga kunyura, tinopinda mumota tonanga kumba. Patinotarira bani iri kokupedzisira, risingachanyatsooneki zvakanaka neguruva, tinozvibvunza kuti vanhu vose ava vachakwanisa kunzwa mashoko akanaka here. Tinonyatsoona zvinorehwa nemashoko aJesu okuti: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.”—Ruka 10:2.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]

Kind permission given by the South African Post Office

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe