Hurukuro Inokosha
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Rini?
Kwezviuru zvemakore, vanhu vakatsvaka rugare nokuchengeteka. Asi havasi kuwana rugare rwechokwadi. Nei? Bhaibheri rinopa zvikonzero zvikuru zviviri zvaita kuti vanhu vatadze kuwana rugare. Rinewo vimbiso iyi inonyevenutsa mwoyo: Mwari akavimbisa kuti vanhu vari munyika yose vachava nerugare rwechokwadi, rusingaperi uye vachange vakachengeteka.
Rugare urwu nokuchengeteka zvichavapo rini uye sei? Kuti unakidzwe nyika paichange yava nezvikomborero izvi unofanira kuitei? Mibvunzo iyi ichapindurwa muhurukuro yavose inoti “Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Rini?” Iyi hurukuro inotaura zviri muBhaibheri ichakurukurwa pasi pose munyika dzinopfuura 230. Munzvimbo dzakawanda, ichakurukurirwa paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha musi weSvondo, April 18, 2010. Zvapupu zvekwaunogara zvichafara kukuudza nguva yacho nekero. Unokokwa noushamwari.