Waizviziva Here?
Uchapupu hupi huripo husiri hwomuBhaibheri hwokuti Jesu akararama zvechokwadi?
▪ Vanyori vanoverengeka vakararama pedyo nenguva yakararama Jesu vakataura zvakananga nezvake. Mumwe wavo aiva Cornelius Tacitus, akanyora nhoroondo yeRoma payaitongwa nemadzimambo. Nezvemoto wakaparadza Roma muna 64 C.E., Tacitus anorondedzera kuti paiva nerunyerekupe rwokuti Mambo Nero ndiye ainge aita kuti pave nemoto wacho. Tacitus akati Nero akaedza kupomera mhosva yacho kuboka rainzi nevoruzhinji vaKristu. Tacitus akanyora kuti “Kristu, panova ndipo pakabva zita ravo, akaurayiwa nagavhuna wedu Pondiyo Pirato, Tibheriyo paaitonga.”—Annals, XV, 44.
Munyori wezvakaitika kare wechiJudha ainzi Flavius Josephus akataurawo nezvaJesu. Achitaura nezvezvakaitika kubva pakafa Festus, munenge muna 62 C.E., Gavhuna weRoma womuJudhiya nepakazotanga kutonga akamutsiva Albinus, Josephus anoti Mupristi Mukuru Anasi “akaita musangano nevatongi vedare reSanihedrini ndokuunza murume ainzi Jakobho munun’una waJesu ainzi Kristu, nevamwewo.”—Jewish Antiquities, XX, 200 (ix, 1).
Nei Jesu akanzi Kristu?
▪ Zvakanyorwa mumabhuku eEvhangeri zvinotsanangura kuti ngirozi inonzi Gabrieri payakaenda kuna Mariya kuti imuudze kuti aizova nepamuviri, yakamuudza kuti aifanira kupa mwanakomana wake zita rokuti Jesu. (Ruka 1:31) Iri izita raishandiswa chaizvo nevaJudha vemunguva yakanyorwa Bhaibheri. Mumwe munyori wenhau dzakaitika dzechiJudha anonzi Josephus akanyora nezvevanhu 12 vasiri vaya vanotaurwa muMagwaro, vaiva nezita rokuti Jesu. Mwanakomana waMariya ainzi “wokuNazareta,” izvi zvairatidza kuti aivaJesu aibva kuNazareta. (Mako 10:47) Akazozivikanwawo sa“Kristu,” kana kuti Jesu Kristu. (Mateu 16:16) Zita iroro rinorevei?
Shoko rechiShona rokuti “Kristu” rinobva kune rechiGiriki rokuti Khri·stosʹ, rakafanana nerechiHebheru rokuti Ma·shiʹach (Mesiya). Ose ari maviri anoreva kuti “Akazodzwa.” Shoko iri rakashandisirwa vamwe nenzira yakakodzera Jesu asati auya. Somuenzaniso, Mosesi, Aroni, uye Mambo Dhavhidhi mumwe nomumwe akanzi aiva muzodziwa, zvichireva kuti vakanga vasarudzwa naMwari, akavapa mabasa okuti vaite uye masimba acho. (Revhitiko 4:3; 8:12; 2 Samueri 22:51; VaHebheru 11:24-26) Jesu, Mesiya akanga agara ataurwa, ndiye aiva mumiririri mukuru waJehovha. Saka, zvakakodzera kuti Jesu akanzi “Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mateu 16:16; Dhanieri 9:25.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mufananidzo waFlavius Josephus