Jesu Kristu—Shoko Rake Newe
“Ndakauya kuti iwo ave noupenyu uye kuti ave nahwo huri huzhinji.”—JOHANI 10:10.
CHIKONZERO chikuru chakaita kuti Jesu Kristu auye pasi pano chaiva chokupa kwete chokupiwa. Noushumiri hwake, akapa vanhu chipo chinokosha kwazvo chemashoko anoratidza chokwadi nezvaMwari uye zvaanoda. Vanoteerera mashoko ake vanogona kurarama zvakanaka iye zvino sezvinogona kupupurirwa nemamiriyoni evaKristu vechokwadi.a Asi pane zvaiparidzwa naJesu, shoko guru raakataura raiva rechipo chinokosha kwazvo kupfuura zvose—choupenyu hwakakwana hwaakapa achiitira isu. Kuti tiwane upenyu husingaperi zvinobva pakuteerera kwatinoita shoko iri rinokosha.
Zvatakapiwa naMwari naKristu Jesu aiziva kuti aizofa rufu runorwadza achiurayiwa nevavengi vake. (Mateu 20:17-19) Kunyange zvakadaro, mumashoko ake ari pana Johani 3:16, akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Jesu akataurawo kuti akauya ‘kuzopa mweya kana kuti upenyu hwake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mateu 20:28) Nei akataura kuti upenyu hwaizopiwa kwete kutorwa?
Akurudzirwa norudo rwake rwakadzama, Mwari akaita urongwa hwokununura vanhu pachivi chavakagara nhaka uye parufu nokusakwana zvinokonzerwa nechivi. Mwari akaita izvi nokutumira panyika Mwanakomana wake akaberekwa angori oga kuti afe rufu rwechibayiro. Jesu akateerera nechido uye akapa upenyu hwake hwakakwana achiitira isu. Urongwa uhwu, hunonzi rudzikinuro ndihwo chipo chikuru kupfuura zvose chakapiwa vanhu naMwari.b Chipo ichi chinogona kuwanisa upenyu husingaperi.
Zvaunofanira kuita Ko iwe pachako wakapiwawo here chipo ichi chorudzikinuro? Hungu, zviri kwauri kuti uchishandise. Kuenzanisira: Fungidzira kuti mumwe munhu ane chipo chako chiri mubhokisi rakaputirwa. Chokwadi hazvingaiti kuti chive chipo chako kutoti wachitambira uye wachibvuma. Saizvozvowo, Jehovha ari kukutambidza chipo chorudzikinuro, asi chipo ichi hachisi chako kutoti wachitambira uye wachibvuma. Sei?
Jesu akati vaya ‘vanoratidza kuti vanotenda’ maari ndivo vachawana upenyu husingaperi. Kutenda kunosanganisira mararamiro ako. (Jakobho 2:26) Kutenda muna Jesu kunoreva kurarama upenyu hwako uchiita zvaakataura uye zvaakaita. Kuti uite izvozvo, unofanira kunyatsoziva Jesu naBaba vake. Jesu akati, “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
Makore anenge 2 000 akapfuura, Jesu Kristu akaudzawo vamwe mashoko akachinja mamiriyoni oupenyu hwevanhu vakawanda munyika yose. Ungada kuziva zvimwe here nezvemashoko iwayo uye kuti angakubatsira sei iwe nevadiwa vako kwete iye zvino chete asiwo nokusingaperi? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.
Nyaya dzinotevera dzichaita kuti uzivezve Jesu Kristu, munhu akaparidza mashoko anogona kuchinja upenyu hwako nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Haasi munhu wose anoti muKristu ari muteveri wechokwadi waKristu. Vateveri vechokwadi vaJesu ndevaya vanorarama maererano nechokwadi chaakadzidzisa nezvaMwari uye zvaanoda.—Mateu 7:21-23.
b Kana uchida mamwe mashoko anoratidza kuti dzidziso yorudzikinuro inobva mumaMagwaro, ona chitsauko 5 chinoti, “Rudzikinuro rwaKristu Chipo Chinokosha Kwazvo chaMwari,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.