Tsamba Yakabva kuUnited States
Rwendo Rwakaita Kuti Tizive Zvaimboitwa Kare
CHIMBOFUNGIDZIRA kunakidza kwazvinoita kudai waizofamba rwendo rwokuti unoona mararamiro aimboita madzitateguru ako. Ndizvo zvatakaita. Takabva kuSwitzerland tichienda United States of America. Vakawanda vanofunga kuti United States yakabudirira mune zvose, asi rwendo rwedu ikoko rwakaita kuti tione zvaiitwa kare mazana maviri emakore akapfuura. Rega tikuudze nezverwendo rwacho.
Nokuti tinotaura ndimi yeSwiss German, takakumbirwa kuti tinopedza mwedzi mitatu kuIndiana. Vavariro yedu yaiva yokunoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nemhuri dzevaAmish vakachengeta ndimi yemadzitateguru avo. Mazana emhuri idzi anogara muIndiana.
VaAmish vazukuru veboka revaAnabaptists vomuzana remakore rechi17. Zita ravo rinobva pane mutungamiriri wavo, Jacob Amman, aigara kuSwitzerland. Zvichibva pakuongorora kwavaiita Bhaibheri kareko, vanhu ava vaitya Mwari vakaziva kuti zvaive zvakaipa kubhabhatidza vacheche uye kuita basa rechiuto. Vakatambudzwa nehurumende pamusana pezvavaitenda. Vamwe vashoma vakatourayirwa zvavaitenda. Kutambudzwa kwacho kwakawedzera, uye vanoverengeka vaitofanira kutiza vachienda kune dzimwe nzvimbo dzokuSwitzerland nokuFrance. Zana remakore rechi19 parakazenge rasvika nechepakati, zviuru zvevanhu ava zvakanga zvatizira kuUnited States. Vakatama netsika dzavo uye nendimi yavo yeSwiss German.
Patakashanyira vanhu ava vanyoro, vakashamisika kuona tichisvika pamisha yavo, tichitaura nendimi yavo! Chimbofungidzira zviri kuitika.
Vanotibvunza nechiSwiss German kuti, “Nei muchitaura sesu?”
“Nokuti tinobva kuSwitzerland,” tinopindura kudaro.
“Asi hamusi vaAmish!” Vanoshamisika.
Vakawanda vanotigamuchira mumisha yavo, uye tinomboravira mararamiro anoita seekare kare. Panzvimbo pemagirobhu emagetsi pane marambi emafuta; panzvimbo pemotokari, pane bhiza nengoro; panzvimbo pemvura inobuda nomupombi pane tsime newindimiri; pane kuva nemaredhiyo vanhu vacho vanoimba voga.
Chinonyanya kutishamisa kuzvininipisa kwevanhu vatinoshanyira. Vanhu vechiAmish vakawanda vacho vanokoshesa kuverenga Bhaibheri zuva nezuva nokukurukurirana nyaya dzinobva muBhaibheri. Izvi zvinoita kuti pave nemukana wokutaura nezvechinangwa chaMwari kuvanhu nepasi.
Nenguva isipi, shoko rinopararira rokuti kune vaenzi vabva kuSwitzerland. Vakawanda vanokumbira kuti tishanyire hama dzavo uye tinozviita nomufaro. Patinokumbirwa kushanyira chikoro chevaAmish tinowedzera kunzwa manyukunyuku uye zvokutarisira. Mberi kunei?
Tinogogodza pasuo rechikoro. Mudzidzisi anovhura musuo uye anobva angoti tipinde mukirasi, mune vana 38 vanoramba vakati ndee patiri. Vana vemakirasi masere vane makore anobvira pa7 kusvika ku15 vanoungana mukirasi imwe chete. Vasikana vakapfeka yunifomu yebhuruu nemakepisi machena; vakomana vakapfeka matirauzi matema nehembe dzebhuruu. Kirasi yacho ine denga rakareba. Matatu emadziro ayo akapendwa nebhuruu, uye kumadziro emberi kune bhodhi rokunyorera. Pedyo nebhodhi racho pane zibhora rinoratidza nyika dzose nemepu dzakapetwa. Kune imwe kona kune chitofu chihombe chesimbi.
Patinogara pazvigaro zvemberi mukirasi yacho, vana vacho vanonyatsotitarisa vachida kuziva kuti tiri vanaani. Vana vekirasi imwe neimwe vanodanwa nomudzidzisi akagara mberi uye vanobvunzwa kana vakaita basa ravo rechikoro ravakanga vakumbirwa kuitira kumba. Tinofara patinonzwa mudzidzisi wacho achibvunza vana vacho kana vaiziva nezvemakomo eSwiss Alps. Mabhuku acho asakara, uye mudzidzisi anotibvunza kana Switzerland ichiri yakafanana nemarondedzererwe ainoitwa mumabhuku ake. Mombe dzichiri kuenda kumafuro munguva yechirimo kana kuti makomo acho achiri kuita sinou here? Patinovaratidza mapikicha atakatakura emakomo ane sinou anoratidza ruvara rwemakomo acho sezvaari chaizvo kusiyana nezviri mubhuku rake, anonyemwerera nomufaro.
Mudzimai womudzidzisi wacho, uyo anomubatsirawo pakudzidzisa, anotibvunza mubvunzo watinowanzobvunzwa, “Munogona kuimba manotsi here?” Hatigoni. Zvisinei, zvatinoziva kuti vaAmish vanogona kuimba chaizvo uye kuimba manotsi, tinovakumbira kuti vatiimbire. Vanobvuma, uye tinoteya nzeve dzedu tichiteerera kwaya iyi yevanhu 40. Zvadaro, mudzidzisi anoti vana vacho vambonozorora panze.
Panguva ino mudzimai womudzidzisi wacho anotikumbira kuti tivaimbirewo zvimbo zvatinoziva. Zvatinoziva zvimbo zvakati wandei zvinotaurwa mungano mumutauro weSwiss German, tinobvuma. Shoko racho rinopararira kuvana vose, uye pasina nguva ngani, vana vose vanodzoka mukirasi. Takamira pamberi pekirasi, tinoedza nepatinokwanisa kuvaimbira.
Pava paya, tinokumbirwa kuti tinodya zvekudya zvemasikati nemhuri yevaAmish ine vanhu 12. Patafura yakareba panozadzwa nemachikichori ezvokudya—mbatatisi dzakagayiwa, nyama, chibage, chingwa, chizi, miriwo, mabhanzi, nezvimwe zvokuseredzera. Tisati tadya, munhu mumwe nomumwe anonyengetera chinyararire. Ndiro zvadzinofambiswa, tinotaura zveSwitzerland, nyika yemadzitateguru avo, uye vanotiudza nezvoupenyu hwavo papurazi racho. Vana vanenge vachingoita zevezeve vachipfipfidza patinenge tichidya. Munhu wose paanopedza kudya, panopiwa munyengetero wechipiri, uye ndiwo unoratidza kuti vana vava kubvumirwa kubva patafura—asi kwete kunotamba. Mumwe nomumwe ane basa rokubvisa zvinhu patafura nokusuka ndiro, zvinosanganisira kutanga kuchera mvura nokuidziisa.
Vana pavanenge vachisuka ndiro, vabereki vacho vanotikumbira kuti titandare navo muimba yokutandarira. Hamuna masofa, asi tinogara pamacheya akanaka emapuranga. Vanobudisa Bhaibheri rekare rechiGerman mukabhodhi, uye sezvinowanzoitwa nemhuri dzose dzevaAmish tinobva tatotanga kukurukura zvokunamata. Chinangwa chaJehovha Mwari nokuda kwenyika nevanhu ndechei? Jesu airevei paakati vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika? Ichokwadi here kuti Mwari anoda kutambudza vanhu vakaipa mumoto wehero nokusingaperi? Ndiani ari kuita zvakarayirwa naJesu zvokuparidza mashoko akanaka munyika yose inogarwa? Mwoyo yedu inofara kukurukura mibvunzo yose iyi nemimwe yakawanda nevanhu vanoda zvokunamata vanotova nemaBhaibheri avo nechakare.
Pari zvino tinoyeuka nomufaro rwendo rwakaita kuti timboona zvaiitwa kare, uye rwaiva nezviitiko zvakanaka zvinofadza. Tinonyengetera uye tinotarisira kuti kushanya kwatakaita uku uye kukurukura nevanhu vacho nomutauro weSwiss German hakuna kungoita kuti vakawanda vazarure misha yavo chete asiwo kwakaita kuti vakawanda vagamuchire zivo yakarurama yechokwadi chiri muShoko raMwari, Bhaibheri.