Dzidziso Yenhema Imwe Chete Inoita Kuti Pavezve Neimwe
MUAPOSTORA Pauro akanyorera vaKristu vakararama zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera kuti, “Chenjerai.” Akanga ari kunyeverei? “Zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu.”—VaKorose 2:8.
Pasinei nenyevero yaPauro, kubvira pakati pezana remakore rechipiri C.E., vamwe vaKristu vakatanga kushandisa pfungwa dzavaiwana kuvazivi vekare kuitira kuti vatsanangure zvavaitenda. Nei? Vaida kufarirwa nevanhu vakadzidza vaiva muUmambo hweRoma vobva vatendeutsa vanhu vakawanda.
Justin Martyr, ndomumwe aive akakurumbira zvikuru pavaKristu ava, vaidavira kuti Mutauriri waMwari akanga azviratidza kuvazivi vechiGiriki kare Jesu asati asvika. Maererano naJustin nevamwe vadzidzisi vaiva vakaita saiye, uzivi nengano zvakapinda muchiKristu ndizvo zvakaita kuti chitendero ichi chikosheswe nevanhu vose.
ChiKristu chaidzidziswa naJustin Martyr chakabudirira kutendeutsa vanhu vakawanda. Zvisinei, kubvumwa kwedzidziso yenhema iyi kwakaita kuti dzimwe nhema dzivepozve uye pave nedzidziso inowanzonzi chiKristu mazuva ano. Kuti uone nhema idzi, enzanisa zvinotaurwa nemabhuku anotevera nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.