Dzidzisai Vana Venyu
Shemu Akaona Kuipa Kwevanhu Vakararama Mafashamo Asati Aitika Uye Aitika
MWANAKOMANA waNoa Shemu akapona pakaparadzwa vanhu vaairarama navo mafashamo asati aitika uye achibva azorarama zvokukwanisa kuona vanhu vakazovapo pashure pemafashamo. Unoziva here kuti nei vanhu vakararama naShemu mafashamo asati aitika vakaparadzwa uye kuti iye nevanhu vomumhuri yake vakakwanisa sei kuramba vachipfuurira kurarama ndokuonazve vamwe vanhu vakazovapo pashure pemafashamo?—a Ngatimbokurukurai nezvazvo.
Shemu paaiva muduku “kuipa kwomunhu” kwakanga kuri kukuru panyika, rinodaro Bhaibheri. Zvinhu zvose zvaifungwa nevanhu zvakanga “zvakangoipa nguva dzose.” Saka unoziva zvakaitwa naMwari?—Akaunza mafashamo akatsvaira nyika yose iyoyo yakaipa. Muapostora Petro akanyora kuti: “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa [nemafashamo] nemvura.”—Genesisi 6:5; 2 Petro 3:6.
Uri kuona here kuti nei Mwari akaparadza nyika iyoyo?—Vanhu vacho vakanga vakaipa, uye vaifunga “zvakangoipa nguva dzose.” Jesu akataurawo nezvazvo. Akati, “mafashamo asati auya,” vanhu vaifara “vachidya vachinwa” uyewo “vachiroora . . . vachiroorwa.” Jesu akatizve: “Havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:37-39.
Vanhu ivavo chii chavasina kucherechedza, kana kuti kuona?—Baba vaShemu, Noa, aiva “muparidzi wokururama,” asi vanhu havana kuteerera zvaaitaura. Noa chete nomudzimai wake, nevanakomana vavo—Shemu, Hamu, Jafeti—nemadzimai avo havana kucherechedza kuti Mwari aida kuti vaitei. Vamwe vose vakangoita zvavaida kuita, saka vakatsvairwa vose neMafashamo.—2 Petro 2:5; 1 Petro 3:20.
Rinenge gore pashure pokunge Mafashamo atanga, Shemu nemhuri yake vakabuda muareka. Vanhu vose vakaipa vakanga vafa, asi izvi zvakachinja nenguva isipi. Kenani, mwanakomana waHamu uyo aiva munun’una waShemu, akaita chimwe chinhu chaiva chakaipa chaizvo zvokuti Noa akati: “Kenani ngaatukwe.” Nimrodhi, aiva muzukuru mukuru waHamu, akangawo akaipa. Aiita zvaipesana nezvaidiwa naMwari wechokwadi, Jehovha, uye akaudza vanhu kuti vavake shongwe refu yainzi Bhabheri kuti vazviitire zita. Unofunga kuti izvi zvakaita kuti Shemu nababa vake vanzwe sei?—Genesisi 9:25; 10:6-10; 11:4, 5.
Vakarwadziwa, naJehovha akarwadziwawo. Unoziva zvakaitwa naJehovha here?—Akavhiringidza mutauro waitaura vanhu vacho zvokuti vakatadza kunzwanana. Saka vanhu vacho vaitofanira kumira kuvaka uye kuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana pamwe chete nevamwe vavo vaitaura mutauro wakafanana. (Genesisi 11:6-9) Asi Mwari haana kuchinja mutauro waShemu newemhuri yake. Saka vaigona kugara pedyo nepedyo uye kubatsirana kushumira Mwari. Wakambofunga here kuti Shemu akashumira Jehovha kwenguva yakareba sei?—
Shemu akararama makore 600. Akararama makore 98 Mafashamo asati aitika uye 502 aitika. Tine chokwadi chokuti akabatsira Noa kuvaka areka uye kunyevera vanhu nezveMafashamo aiuya. Asi unofunga kuti Shemu akaitei makore 500 aakararama pashure peMafashamo?—Noa aitaura nezvaJehovha achiti, “Mwari waShemu.” Shemu anofanira kunge akaramba achinamata Jehovha uye kubatsira vomumhuri yake kuti vamunamatewo. Pava paya, mhuri yaShemu yakazosanganisira Abrahamu, Sara, uye Isaka.—Genesisi 9:26; 11:10-31; 21:1-3.
Chifunga zvino nezvenyika yanhasi, iyo yave ichingowedzera kuipa kubvira mumazuva aShemu. Chii chichaitika kwairi?—Bhaibheri rinoti “iri kupfuura.” Asi cherechedza vimbiso iyi inoti: “Asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” Saka kana tikaita kuda kwaMwari, tingava pakati pevaya vachapona vachipinda munyika itsva yaMwari. Naizvozvo nokubatsira kwaMwari tinogona kurarama nokusingaperi tichifara pasi pano!—1 Johani 2:17; Pisarema 37:29; Isaya 65:17.
a Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye ukurudzire mwana kuti ataurewo.