Urombo Chiratidzo Chokusafarirwa naMwari Here?
MWARI akaudza vaIsraeri vekare kuti: “Pakati pako hapana anofanira kuva murombo.” Izvi zvakanga zvakadaro nokuti muMutemo waakavapa, maiva nemirayiro yaitaura nezvokutarisirwa kwaifanira kuitwa varombo uye kunyange kusunungura zvikwereti. (Dheuteronomio 15:1-4, 7-10) Nokudaro, pakati pevaIsraeri paisafanira kuva nevarombo, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuvakomborera. Zvisinei, vaIsraeri vaikomborerwa kana vateerera Mutemo, izvo vakatadza kuita.
Zvisinei, izvi hazvaireva kuti vaya vakanga vaine zvinhu zvishoma vakanga vasingafarirwi naMwari, uyewo zvaisareva kuti vakanga vaine zvakawanda ndivo vaifarirwa naMwari. Vashumiri vaMwari vakawanda vakanga vari varombo. Muprofita Amosi aiva murombo aifudza makwai uye aimboshanda mumwaka wokukohwa. (Amosi 1:1; 7:14) Mumazuva omuprofita Eriya, vaIsraeri pavakarohwa nenzara, Eriya aitofanira kuchengetwa nechirikadzi yaiva murombo, yaiva nefurawa nemafuta zvishoma zvakachengetedzwa nenzira inoshamisa munguva yenzara. Hapana akapfuma, Eriya kana chirikadzi yacho; Jehovha akangovapa zvinhu zvavaida chete.—1 Madzimambo 17:8-16.
Zviitiko zvisingafanoonekwi zvingaita kuti vanhu vave varombo. Tsaona uye kurwara kunogona kutadzisa munhu kushanda kwenguva pfupi kana kuti zvachose. Uye rufu runogona kusiya nherera nechirikadzi. Kunyange mamiriro ezvinhu akashata akadaro haarevi kusafarirwa naMwari. Nyaya yaNaomi naRute muenzaniso unokurudzira unoratidza kutarisira kwerudo kunoita Jehovha vaya vanoshaya. Kunyange zvazvo Naomi naRute vakasara vari varombo pakafa varume vavo, Jehovha Mwari akavakomborera uye akavapa zvinhu zvavaida pakurarama kwavo.—Rute 1:1-6; 2:2-12; 4:13-17.
Zviri pachena kuti kuva murombo hakusi chiratidzo chokusafarirwa naMwari. Vaya vakatendeka kuna Jehovha Mwari vanogona kuvimba nemashoko aMambo Dhavhidhi anoti: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.”—Pisarema 37:25.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kunyange zvazvo Naomi naRute vaiva varombo vakakomborerwa uye vakachengetwa naMwari nenzira yerudo