Chitendero Chakanaka Chinosimudzira Kuti Vanhu Vacho Vadanane
BHAIBHERI rinoti: “Asingadi vamwe, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johani 4:8, Bhaibheri Rinoera) Saka, chitendero chakanaka chinofanira kuita kuti vanhu vacho vadanane.
Zvitendero zvakawanda zvinoita mabasa anoyemurwa chaizvo okutarisira vanorwara, vakwegura uye varombo. Zvinokurudzira vanhu vazvo kuti vashandise zano romuapostora Johani uyo akanyora kuti: “Zvino kana munhu akapfuma akaona kuti hama yake inoshayiwa, achirega kuinzwira tsitsi, rudo rwaMwari runogogara seiko maari? Vana vaduku ngatirege kuda nemanzwi kana nomuromo bedzi asi ngatiratidze rudo rwechokwadi runoonekwa nezviito.”—1 Johani 3:17, 18, Bhaibheri Rinoera.
Kunyange zvakadaro, chii chinoitika kana nyika dzikarwisana? Murayiro waMwari wokuti “ida wokwako sezvaunozvida iwe” unofanira kushandiswa panguva yakunenge kuine rugare chete here asi wombosendekwa kana mutungamiriri wenyika kana kuti mambo akasarudza kurwisa imwe nyika?—Mateu 22:39, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Jesu akati: “Vose vachakuzivai naizvozvo kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana pachenyu.” (Johani 13:35, Bhaibheri Rinoera) Paunenge uchipindura mibvunzo iyi, zvibvunze kuti, ‘Vanhu vari muchitendero ichi vanoda vanhu vose nguva dzose here kwete nemashoko chete asiwo nezviito zvavo?’
NYAYA: Hondo.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.”—Mateu 5:44, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Varwi pavakauya kuzosunga Jesu, muapostora Petro akavhomora bakatwa kuti amudzivirire. Zvisinei, Jesu akati: “Dzorera bakatwa rako mumuhara maro nokuti vaya vanobata bakatwa vachafa nebakatwa.”—Mateu 26:52, Bhaibheri Rinoera.
Muapostora Johani akanyora kuti: “Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo mutsauko wavana vaMwari nevana vaSatani. Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari, pamwe chete nomunhu asingadi hama yake. Iyi ndiyo mharidzo yamakanzwa kubvira pakutanga yokuti, tinofanira kudanana. Regai kuva saKaini uyo akanga ari rutivi rweakaipa, akauraya munin’ina wake.”—1 Johani 3:10-12, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinokurudzira vanhu vacho kuti varwe hondo here?
NYAYA: Zvematongerwo enyika.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: Pashure pokunge vaona kuti Jesu anokwanisa kuita zvishamiso, vamwe vaida kuti apinde mune zvematongerwo enyika. Akaitei? “Jesu akaziva kuti vanhu vaida kuuya kuzomubata kuti vamumanikidzire kuti aite mambo wavo, akabva abvapo akakwirazve mugomo ari oga.”—Johani 6:15, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
Jesu paakasungwa akapomerwa zvenhema kuti aifurira vanhu kuti vapandukire hurumende, akapindura achiti: “Ushe hwangu hauzi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino varanda vangu vangadai vairwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hauzi hwepano.”—Johani 18:36, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Paainyengetera kuna Mwari nezvevadzidzi, Jesu akati: “Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.”—Johani 17:14, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinotevedzera muenzaniso waJesu uye chisingaiti zvematongerwo enyika, kunyange zvazvo zvichiita kuti vanhu vacho vavengwe nevezvematongerwo enyika here?
NYAYA: Rusaruro.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI: Vanhu vokutanga vakanga vasina kudzingiswa uye vasiri vaJudha pavakatendeukira kuchiKristu, muapostora Petro akati: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasarudzi vanhu. Asi Mwari anogamuchira munhu wose anomutya neanoita zvakarurama kunyangwe ari worudzi rupi zvarwo.”—Mabasa 10:34, 35, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
Jakobho akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Hama dzangu, zvamunotenda munaShe wedu Jesu Kristu ane mbiri, hamufaniri kuva norusarura. Toti vaeni vaviri vapinda muchechi menyu. Mumwe anenge ari murume akapfeka mbatya dzinodhura aine marin’i egoridhe muzvigunwe. Asi mumwe wacho anenge akapfeka mamvemve. Kana mukangoona mupfumi chete muchiti kwaari, ‘uya ugare pano pakanaka,’ asi kumurombo moti, ‘Iwe, enda undomira uko,’ kana kuti, ‘Gara pasi pechigaro changu,’ hamuoni here kuti munenge moita rusarura ipapo nokuva vatongi vane pfungwa dzakaipa?”—Jakobho 2:1-4, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
MUBVUNZO: Chitendero ichi chinodzidzisa here kuti vanhu vose vakaenzana mukuona kwaMwari uye kuti vanhu vechitendero chacho havafaniri kusarurana pamusana porudzi kana kuti upfumi?
Chitendero chipi chinodzidzisa vanhu vacho kuti vakurire zvipingamupinyi zvematongerwo enyika, zveurudzi, uye zveupfumi zvinopatsanura vanhu?