RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 pp. 5-6
  • 2. Verenga Uine Chido Chokurinzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2. Verenga Uine Chido Chokurinzwisisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Zivo Yakarurama “Nepfungwa Dzinoda Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ungawana sei Chitendero Chechokwadi?
    Mukai!—2008
  • Kufundirei Bhaibheri?
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 pp. 5-6

Kunzwisisa Kwaungaita Bhaibheri

2. Verenga Uine Chido Chokurinzwisisa

Shamwari yako yakambokuudza here zvinhu zvakaipa nezvomumwe munhu wawakanga usati wamboona? Pawakazoona munhu wacho, zvawakanga waudzwa neshamwari yako zvakakutadzisa here kuona unhu hwakanaka uye zvaanogona kuita? Zvakadai zvinogonawo kuitika kana wava kuverenga Bhaibheri.

MUAPOSTORA Pauro akanyevera nezvezvinogona kuitika kana tikatadza kuverenga Bhaibheri tiine chido chokurinzwisisa. NezvevaJudha vemunguva yake, Pauro akanyora kuti: “Ndinovapupurira kuti vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama.”—VaRoma 10:2.

Vamwe vaJudha ivavo vemuzana remakore rokutanga vakanga vasingadi kugamuchira chokwadi chokuti Magwaro echiHebheru akataura zvakajeka kuti: Mesiya aiva ani. Zvakatsanangurwa nezvaJesu wekuNazareta zvainyatsoti geje nezvinhu zvakanga zvafanotaurwa nezvaMesiya uye akazadzisa uprofita hwose. Asi, vaJudha vakanga vasingadi kuchinja mafungiro avo havana kukwanisa kunzwisisa Shoko raMwari.

Nyaya yomuBhaibheri iyi inotidzidzisei? Zvinokosha kuti tiverenge Bhaibheri tiine chido chokurinzwisisa. Kana muverengi akada kuomerera pamafungiro aagara ainawo anogona kutadza kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri.

Somuenzaniso, mumwe purofesa wezvidzidzo zvezvitendero muNorth Carolina, kuU.S.A., anotsanangura Bhaibheri achiti “ibhuku revanhu, rine pfungwa dzevanhu, uye dzakawanda dzacho dzinosiyana-siyana uye hapana inogona kunyatsotitungamirira pamararamiro atinofanira kuita.” Saka, kana munhu akaverenga Bhaibheri achiti “ibhuku revanhu,” haazogumisiri here ava kungosarudza mitemo uye dzidziso zvinoenderana nezvaanofarira?

Asi, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiridzidze nomwoyo wose. Nezvevanhu vokuBheriya vomunguva yaPauro, Magwaro anoti: “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Sevaverengi ivavo, unofanira kuverenga Bhaibheri uine chido chokunzwisisa zviri mariri. Verenga Shoko raMwari uine chido chokunzwisisa mashoko oMunyori wacho anonakidza zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe