RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 5/15 p. 18
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Hwaberekwa!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Vatongi Munzvimbo Yomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ngwarira—Satani Anoda Kukudya!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ziva Muvengi Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 5/15 p. 18

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Satani akadzingwa kudenga rini?—Zvak. 12:1-9.

Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa haritauri nguva chaiyoiyo yakadzingwa Satani kudenga, asi rinotaura zvinhu zvaitevedzana zvinogona kutibatsira kuona kuti pangava papi paakadzingwa kudenga. Chokutanga kugadzwa kwoUmambo hwaMesiya. Zvadaro “hondo yakavapo mudenga,” ndokubva Satani akurirwa, akadzingwa kudenga.

Magwaro anonyatsoratidza kuti “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakaguma muna 1914, Umambo huchibva hwagadzwa.a (Ruka 21:24) Zvakatora nguva yakareba sei kuti hondo yakaguma nokudzingwa kwaSatani izoitika kudenga?

“Dhiragoni [Satani] yakaramba imire pamberi pomukadzi akanga ava kuda kusununguka,” inodaro Zvakazarurwa 12:4, “kuti paanenge asununguka, idye mwana wake.” Izvi zvinoratidza kuti Satani aida kuita nepaaigona kubva angoparadza Umambo, panguva yahwakagadzwa. Kunyange zvazvo kupindira kwakaita Jehovha kwakatadzisa Satani kuita zvakaipa zvaaida, Satani akanga akatsunga kusadzokera kumashure pachinangwa chake chokuparadza Umambo hwakanga huchangobva kugadzwa. Ndokusaka “Mikaeri nengirozi dzake” vasina kunonoka kubvisa “dhiragoni nengirozi dzayo” kudenga kuitira kuti Umambo husavhiringidzwa. Izvi zvinoratidza kuti kukurirwa nokudzingwa kwaSatani kwakaitika Umambo huchangogadzwa muna 1914.

Chimwe chinhu chokufunga nezvacho kumutswa kwevaKristu vakazodzwa, uko kwakatanga Umambo huchangogadzwa, sezvinoratidzwa neMagwaro.b (Zvak. 20:6) Sezvo pasina kana mumwe wehama dzaKristu dzakazodzwa anonzi aiva naJesu pakurwisana nedhiragoni nengirozi dzayo, hondo yakarwiwa kudenga uye kudzingwa kwaSatani nemadhimoni ake kunofanira kunge kwakanga kwapera pakazotanga kumutswa hama dzaKristu.

Saka Bhaibheri haritauri nguva chaiyo yakadzingwa Satani nemadhimoni ake kudenga. Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti izvi zvakaitika pashure pokunge Jesu Kristu agadzwa pachigaro chokudenga muna 1914.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona mapeji 215-218 mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

b Ona Nharireyomurindi, yaJanuary 1, 2007, mapeji 27-28, ndima 9-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe