RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 5/1 p. 27
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Jerusarema Munguva dzeBhaibheri—Sayenzi Yezvinocherwa Mumatongo Inozivisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Enda Ugeze Mudziva reSiroami”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”
    Famba naMwari Neushingi
  • Zvidzidzo Zvinoshanda Munyika Yakapikirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 5/1 p. 27

Waizviziva Here?

Jerusarema rakambokomberedzwa nemapango akapinza here sezvakanga zvafanotaurwa naJesu kuti zvaizoitika?

Jesu paaiprofita nezvokuparadzwa kweguta reJerusarema, akati: “Mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza norusvingo rwakavakwa nemapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kumativi ose.” (Ruka 19:43) Mashoko aJesu akava echokwadi mugore ra70 C.E. vaRoma pavaitungamirirwa naTitus, vakavaka rusvingo rwaipoteredza guta kuti vanhu vaivamo vasawana zvokudya uye zvimwe zvinhu zvokutsigira upenyu. Titus aiva nezvinangwa zvitatu—aisada kuti vaJudha vatize, aidawo kuti vakande mapfumo pasi, uye kuti varumwe nenzara kusvikira vava kuzviisa pasi pake.

Maererano nomunyori wenhoroondo dzekare anonzi Flavius Josephus, pavakangosarudza kuvaka rusvingo urwu, mapoka akati dererei euto reRoma akaita makwikwi okuda kuona kuti nderipi boka raizotanga kupedza kuvaka parainge ranzi rivake. Vakatema miti yaiva yakapoteredza guta racho nemakiromita 16, uye rusvingo rwacho rwaive rwakareba makiromita manomwe, rwakangotora mazuva matatu kuvaka. Josephus akati pavakadaro “vaJudha vakanga vasisina tarisiro yokutiza.” Rusvingo urwu rwakaita kuti muguta muve nenzara uye vanhu vakanga vavharirwamo vaiva nezvombo vatange kurwisana vachiurayana, saka guta racho rakava pasi pevaRoma papera mwedzi mishanu.

Mambo Hezekiya akavaka here mugero waipinda muJerusarema?

Hezekiya aiva mambo weJudha pakunopera kwezana remakore rechisere B.C.E., panguva yavairwisana noumambo hweAsiriya hwaiva nesimba. Bhaibheri rinotaura kuti akashanda zvakaoma kuti adzivirire Jerusarema uye kuti vagari vemo vazokwanisa kuwana mvura munguva dzehondo. Mabasa aakaita aisanganisira kuvakwa kwomugero waiva wakareba mamita 533, uyo waizopinza mvura muguta racho.—2 Madzimambo 20:20; 2 Makoronike 32:1-7, 30.

Muzana remakore rechi19, mugero wakadaro wakawanikwa. Wakatanga kuzivikanwa soMugero waHezekiya kana kuti Mugero wokuSiroami. Mukati momugero wacho makaonekwa zvakanyorwa zvaitsanangura kupedzisa kwakaitwa basa rokuvaka mugero wacho. Zvakaita mabhii akashandiswa pakunyora kwacho zvinoita kuti nyanzvi dzakawanda dziti mugero wacho ndewomunguva yaHezekiya. Zvisinei, makore gumi akapfuura, vamwe vakati mugero wacho wakavakwa anenge makore 500 gare gare. Muna 2003, boka remasayendisiti okuIsrael rakabudisa zvarakawana paraitsvakurudza nguva chaiyo yakavakwa mugero wacho. Vakawanei?

Dr. Amos Frumkin wepaHebrew University of Jerusalem anoti: “Kuongorora kwakadzama kwatakaita madziro oMugero wokuSiroami uye zvimwe zvatakawana zvinoratidza kuti mugero wacho wakavakwa munguva yaHezekiya.” Imwe nyaya iri mumagazini yesayenzi inonzi Nature inowedzera kuti: “Gore rinenge ra700 BC rinotsigirwa nouchapupu hutatu hwakazvimiririra hunoti, hwekuongorora kuti zvinhu zvava nenguva yakadini zviripo, hwokudzidza manyorerwo aiitwa kare uye hwenhoroondo dzezvakaitika kare. Izvi zvinoita kuti kusvikira panguva ino, Mugero wokuSiroami uve iwo unonyatsozivikanwa nguva yawakaitwa kupfuura zvimwe zvinhu zvomuBhaibheri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe