4 Tsvaka Mhinduro
“Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?”—Mateu 14:31.
ZVII ZVINGAKUTADZISA? Kunyange vadzidzi vaJesu pane dzimwe nguva vaisambova nechokwadi nezvavaitenda. (Mateu 14:30; Ruka 24:36-39; Johani 20:24, 25) Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti kusava nokutenda “chivi chinotipingirisha nyore nyore.” (VaHebheru 12:1) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Hakusi kuti vamwe vanhu havakwanisi kuva nokutenda. Asi vakawanda havaedzi kuva nounhu uhwu. Mwari achakomborera vaya vane kutenda.
UNGAKURIRA SEI ZVINOKUTADZISA? Ziva zvinoita kuti usava nechokwadi nezvaunotenda. Somuenzaniso, mudzidzi Tomasi akanga asina chokwadi nazvo kuti Jesu akanga amutswa kunyange zvazvo vamwe vadzidzi vakanga vamuudza kuti vainge vamuona. Tomasi aida uchapupu. Zvakaguma nei? Jesu akamupa uchapupu hwaaida kuti ave nokutenda kwakasimba.—Johani 20:24-29.
Achishandisa Bhaibheri, Jehovha Mwari anotipa mhinduro dzatinoda kuti tive nechokwadi nezvatinotenda. Somuenzaniso, vakawanda havatendi muna Mwari nokuti vanomupomera zvakananga kana kuti zvisina kuti ndiye ari kukonzera hondo, chisimba, uye marwadzo zviri kutambudza vanhu. Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi?
Mwari haatongi achishandisa hurumende dzevanhu. Jesu akati chisikwa chomudzimu chisingaoneki chinonzi Satani ndicho “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Satani aida kupa Jesu simba rokuti atarisire umambo hwose huri panyika dai aizongomunamata kamwe chete zvako paakati: “Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda.” Jesu haana kuramba kuti Satani aiva nesimba iroro. Asi akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Ruka 4:5-8) Satani nehurumende dzevanhu ndivo vari kukonzera kutambura kuri munyika kwete Mwari.—Zvakazarurwa 12:9, 12.
Munguva pfupi iri kutevera Jehovha Mwari achabvisa zvose zviri kukonzera kutambura. Akatoronga Umambo, kana kuti hurumende inenge ichitungamirirwa noMwanakomana wake, Kristu Jesu kuti atonge vanhu. (Mateu 6:9, 10; 1 VaKorinde 15:20-28) Zvichizadzisa uprofita hweBhaibheri, mashoko akanaka oUmambo uhwu ari kuparidzwa munyika yose. (Mateu 24:14) Munguva pfupi iri kutevera Umambo uhwu huchabvisa vose vanohupikisa uye zvose zviri kukonzera kutambura kwevanhu.—Dhanieri 2:44; Mateu 25:31-33, 46; Zvakazarurwa 21:3, 4.
MUBAYIRO WOKUTENDA NDOWEI? Vaya vasina chokwadi nezvavanotenda vanoita semafungu anokandwa kwose kwose “nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu.” (VaEfeso 4:14; 2 Petro 2:1) Asi, vaya vanowana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo vanokwanisa ‘kumira vakasimba mukutenda.’—1 VaKorinde 16:13.
Vabudisi vemagazini ino, Zvapupu zvaJehovha, vanoda kukubatsira kuti uwane mhinduro dzemibvunzo ingaita kuti usave nechokwadi nezvaunotenda. Vanokukoka kuti usangane navo uye uongorore zvavanodzidzisa. Ukadaro uchasimbisa kutenda kwako muna Mwari.
Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 8 chinoti, “Umambo hwaMwari Chii?,” uye chitsauko 11 chinoti, “Nei Mwari Achibvumira Kutambura?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Vaya vanowana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo vanosimbisa kutenda kwavo