RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 4/1 pp. 24-25
  • Jehoashi Akasiya Jehovha Nokuti Aishamwaridzana Nevanhu Vakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehoashi Akasiya Jehovha Nokuti Aishamwaridzana Nevanhu Vakaipa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzivirira Mambo Akanga Asarudzwa naJehovha
    Famba naMwari Neushingi
  • Nei Tichifanira Kutya Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kushinga kwaJehoyadha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vechidiki​—⁠Muchava Neupenyu Hwakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 4/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Jehoashi Akasiya Jehovha Nokuti Aishamwaridzana Nevanhu Vakaipa

YAIVA nguva yakaoma zvikuru muJerusarema, guta raiva netemberi yaMwari. Mambo Ahaziya akanga achangourayiwa. Zvakazoitwa naamai vaAhaziya, Atariya zvinonyadzisa. Vakaita kuti vazukuru vavo, vanakomana vaAhaziya, vapondwe! Unoziva here kuti nei?—a Vaiitira kuti vanakomana vaAhaziya vasatonga asi ivo vave mutongi.

Zvisinei, Jehoashi, mumwe muzukuru waAtariya aiva mucheche, akanunurwa, uye mbuya vake havana kana kutombozviziva. Ungada here kuziva kuti akanunurwa sei?— Mucheche uyu aiva natete vainzi Jehoshebha, vakavanza Jehoashi mutemberi. Tete ava vaikwanisa kuita izvi nokuti murume wavo, Jehoyadha, aiva Mupristi Mukuru. Saka vose vari vaviri vakanyatsochengetedza Jehoashi.

Jehoashi akavanzwa mutemberi kwemakore matanhatu. Ndimo maakadzidziswa nezvaJehovha Mwari nemitemo yake. Jehoashi paakazosvitsa makore manomwe, Jehoyadha akaita kuti Jehoashi ave mambo. Ungada here kunzwa kuti Jehoyadha akazviita sei, uye kuti chii chakaitika kuna ambuya vaJehoashi, Mambokadzi aiva akaipa Atariya?—

Jehoyadha akashevedza varindi vaiita basa rokuchengeta madzimambo muJerusarema panguva iyoyo. Akavaudza nezvokununura kwavakanga vaita mwanakomana waMambo Ahaziya. Jehoyadha akabva aita kuti varindi vacho vaone Jehoashi, uye vakaona kuti ndiye aiva nekodzero yokutonga. Saka, vakaronga zvavaizoita.

Jehoyadha akabudisa Jehoashi uye akabva amupfekedza korona. Vanhu “vakatanga kuombera vakati: ‘Mambo ngaararame!’” Varindi vakakomberedza Jehoashi kuti vamuchengetedze. Atariya paakanzwa mheremhere yevanhu vaifara akamhanya kwavaiva uye akataura kuti akanga amukirwa. Asi Jehoyadha akarayira varindi kuti vauraye Atariya.—2 Madzimambo 11:1-16.

Unofunga here kuti Jehoashi akaramba achiteerera Jehoyadha uye achiita zvakanaka?— Hungu, akateerera Jehoyadha paakanga achiri mupenyu. Jehoashi akatoita kuti vanhu vabvise mari yokuti temberi yaMwari igadziriswe, yakanga isiri kutarisirwa zvakanaka nababa vake, Ahaziya uye sekuru vake, Jehoramu. Asi ngationei kuti chii chakazoitika Mupristi Mukuru Jehoyadha paakafa.—2 Madzimambo 12:1-16.

Jehoashi akanga ava nemakore 40. Pane kuti arambe achishamwaridzana nevaya vaishumira Jehovha, Jehoashi akashamwaridzana nevainamata vanamwari venhema. Zekariya, mwanakomana waJehoyadha akanga ari mupristi waJehovha panguva iyoyo. Unofunga kuti Zekariya akaitei paakaziva nezvezvakaipa zvakanga zvava kuitwa naJehoashi?—

Zekariya akaudza Jehoashi kuti: “Zvamakasiya Jehovha, iye achakusiyaiwo.” Mashoko iwayo akatsamwisa Jehoashi zvikuru zvokuti akarayira kuti Zekariya atemwe nematombo kusvika afa. Chimbofunga—Jehoashi akanga anunurwa kuti asapondwa, asi iye akazoita kuti Zekariya apondwe!—2 Makoronike 24:1-3, 15-22.

Unoona zvidzidzo zvatinowana munyaya iyi here?— Chokwadi, hatitombodi kufanana naAtariya, aivenga vamwe uye aiva noutsinye. Asi, tinofanira kuda vatinonamata navo kunyange vaya vanotivenga, sezvatakadzidziswa naJesu kuti tiite. (Mateu 5:44; Johani 13:34, 35) Uye yeuka kuti kana tikatanga tichiita zvakanaka sezvakaitwa naJehoashi, tinofanira kuramba tichishamwaridzana nevaya vanoda Jehovha uye vanotikurudzira kumushumira.

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

Mibvunzo:

  • Jehoashi akanunurwa sei, uye akanunurwa kunaani?

  • Jehoashi akava sei mambo akakodzera, uye akaita sei zvakanaka?

  • Nei Jehoashi akazova munhu akashata, uye ndiani waakaponda?

  • Tinodzidzei munyaya iyi yomuBhaibheri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe