RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 pp. 24-25
  • Shasha Yekarati Payakasiya Zvokurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shasha Yekarati Payakasiya Zvokurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Jehovha Akaramba Achindiyeuka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 pp. 24-25

Tsamba Inobva kuGhana

Shasha Yekarati Payakasiya Zvokurwa

HANDINA kumbofungidzira kuti ndiye munhu wacho. Akapfeka nhumbi chena dzekarati, akasunga bhandi dema muchiuno chake chitete, akagadzirira kurwa, akaomesa maoko ake, akatananga asina shangu. Chiso chake chiri kutyisa; pahuma pake pane mafinya. Maziso ake ari kutyisa, ari kuratidza kuti haana kana tsitsi nokuti akasadaro zvingareva kuti igwara.

Anobva atanga kuedzesera kurwa achishevedzera. “Huha!” Maoko ake anorira sezvo anoafambisa mumhepo. Puranga rinotsemurwa nepakati richirira uye rinodonhera pasi. Anokwakuka achitenderera, makumbo ake achikava uye achikanda zvibhakera. Murume uyu ndiye here akakumbira kudzidza Bhaibheri?

Ndinoenda kwaari ndakatambanudza ruoko kuti ndimukwazise. “Ndiwe here Kojo? Ndinofunga kuti unoda kudzidza Bhaibheri.” Anondipa chishanu uye anonyemwerera, achiratidza ushamwari. Maziso ake haachatyisi, ava kuratidza kuti ane zvaari kuda kuziva. Anopindura kuti: “Ehe, ndinoda chaizvo. Tichatanga rini?”

Tinogara muvharanda reimba yake tiine maBhaibheri uye mabhuku okudzidza. Apa pari kutonhorera, hapana ruzha uye hapana vamwe vanhu. Tiri vatatu: Kojo, ini, uye katsoko kake. Katsoko aka, kakareba masendimita 35, kane makushe matsvuku mumusoro uye machena pachirebvu zvingaita kuti useke uye ufunge kuti kane misikanzwa. Kakanaka, kanoda kutamba, kanongomhanya-mhanya kachitsvaka zvinhu, kachifamba pamapepa edu, kachibvuta zvinyoreso zvedu, kachipinza tumaoko twako muhomwe dzehembe dzedu kachitsvaka tunonaka. Sezvinongoita mubereki ajaira kuona vana vachiita ruzha uye vachitamba-tamba, Kojo anongokarega kakadaro achiisa pfungwa dzake pane zvatiri kudzidza. Mibvunzo yake yakawanda inondiratidza kuti ari kufunga, anoda chaizvo kudzidza. Zvimwe karati ndiyo yakamudzidzisa kuti asangotenda zvose zvose asi angwarire, nokuti haabvumi chinhu kutoti aona uchapupu hwomuMagwaro.

Kudzidza kwedu kunoenderera mberi zvakanaka. Zvisinei, nokufamba kwenguva ndinoona ava kurwisana nechimwe chinhu, uye izvi zviri kuramba zvichiwedzera mumwoyo make. Anondiudza kuti, “Chinhu chimwe chete chandinoda muupenyu hwangu, ikarati.” Ndinoona kuti murwi uyu anofarira chaizvo kurwa, akazvipira kuunyanzvi hwaakawana. Zvaaine makore 26, haangofariri karati chete asi anotova ngwere chaiyo, ane black-belt, danho risingasvikwi nevakawanda.

Handizivi kuti Kojo achaita sei. Ndinofunga kuti ari kuona kuti kutamba karati, achikuvadza vamwe nemaoko ake uye makumbo, hazviwirirani netsitsi, unyoro uye kuva nehanya huri unhu hwerudo runowanikwa pakati pevaKristu vechokwadi. Asi, ndinoziva kuti chokwadi cheBhaibheri chakambopfavisa mwoyo yevanhu vaiva vakatooma kumupfuura. Kana Kojo ane mwoyo wakakodzera, achapfaviswawo neShoko raMwari. Ndinofanira kuva nomwoyo murefu.

Rimwe zuva masikati kuchipisa zvikuru tava kuda kupedza kudzidza, tinoverenga rumwe rugwaro rweBhaibheri rwunomusiya ati tonho sokunge kuti akaviwa zvakasimba nomumwe murwi. Anoverenga kuti: “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” (Pisarema 11:5) Anodzokorora zvinyoro-nyoro achitaura oga achiti, “munhu wose anoda zvechisimba.” Maziso ake matema, aimboratidza kuti haadzokeri shure uye haabvumi kukundwa, anotanga kuratidza unyoro. Anonditarisa muziso uye anonyemwerera zvinyoro-nyoro, ndokuti, “Ndazofunga.”

Ini naKojo tava kuita basa ratinonyatsoda—tiri vadzidzisi vakazvipira, tinodzidzisa mitemo yeBhaibheri pachena kuvanhu vanoda kuteerera. Mangwanani ano tinofanira kushanyira rimwe jaya rinonzi Luke.

Takananga kumba kwake, tinotora kamugwagwa kakazara nevanhu kanopfuura nepamusika. Pane vatengesi vakawanda nematafura avo okutengesera zvinhu kumativi kwomugwagwa uyu vari kutengesa: mhiripiri tsvuku netema, mabhasikiti ematomatisi akatsvuka, derere rakawanda, uyewo maredhiyo, maamburera, sipo, wigi, zvokubikisa uye mazitye ehembe neshangu. Vasikana vakadengezera madhishi mahombe earuminiyamu ane zvokudya zvinonhuwirira zvavari kutengesa. Vanofamba nounyanzvi pakati peruzhinji rwevanhu, kuitira kuti vanoda kutenga vabude rute vaona muto uye hove dzakasvibira dzakabikwa, magakanje, nehozhwa. Imbwa, mbudzi uye huku dziri kukerekedza, zviri kufamba-famba. Redhiyo dziri kuririra pamusoro, motokari dzichingoti piipiipii, ukuwo vanhu vachiitawo ruzha.

Tinotevedza mugwagwa usina tara tichibva mudhorobha mune ruzha uye tinosvika pane imba yasakara paine chikwangwani chakanyorwa zvisinganyanyi kuonekwa kuti, “Long Journey Spot.” (Nzvimbo Yaunosvika Wafamba Rwendo Rurefu) Luke, jaya richangopfuura makore 20, rakamira pamusuo uye rinotidana kuti tipinde mumba mune mumvuri. Mumba make makazara mabhegi uye mabhokisi ane mishonga yakaomeswa uye midzi, mashizha akasungwa netambo, nemakwati akakora—zvose izvi ndezvamaiguru vaLuke vakwegura, uye vanorapa. Vakadzidziswa kugadzira mishonga iyi nevakuru vavo, yakanyatsokuyiwa yakasanganiswa nemimwe uye inonzi inorapa chirwere chipi zvacho. Luke anga achitarisira kuti tichasvika. Arongedza zvinhu zviri mumba ndokuisa zvituru zvitatu. Tinogara pedyo napedyo uye tinotanga kudzidza Bhaibheri.

Kojo ndiye ari kudzidzisa Luke. Ndinoteerera zvangu ndakagara majaya aya achikurukura mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo wokuti nei vanhu vachitambura chaizvo pasi pano. Kojo paanobatsira Luke kuvhura Bhaibheri, ndinoona maoko ake akasimba achivhura zvinyoronyoro mapeji matete. Ndinobva ndayeuka. Munguva pfupi yakapfuura, maoko iwayo aishandiswa pakurwa. Shoko raMwari rine simba, rinobvisa tsika dzakashata dziri muropa dzakapararira munyika ino isingateereri mitemo, rinochinja vanhu kuti vave nounhu hwakanaka hwakadai setsitsi norudo. Hapana kubudirira kunopfuura uku.

Tava munzira kudzokera kumba, tinotaura nomurume akagara mumumvuri womumango. Anonyatsoteerera Kojo paanenge achimuvhurira Bhaibheri nokumuverengera rugwaro. Murume wacho paanozoziva kuti tiri Zvapupu zvaJehovha, anoti simu obva apopota achiti: “Handikufaririi vanhu imi!” Kwekanguva kadiki, Kojo anombozarirwa nehasha. Zvadaro ndinoona achinyevenuka uye obva ipapo. Tinomusiya tobva taenda zvedu.

Tiri munzira Kojo anondizembera ozevezera achiti: “Ndanga ndabatwa nehasha paataura mashoko iwo aya. Unoziva kuti ndingadai ndamuita sei murume uya?” “Ndinozviziva zvangu,” ndinodaro ndichinyemwerera. Anonyemwererawo tobva tangoramba zvedu tichifamba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe