Chii Chinonyatsoitika Kumunhu Kana Afa?
“Mweya yose haifi, kunyange yevakaipa . . . Hazviiti kuti kusuruvara kwavo kupere nokuti vachange vachitsiviwa nomoto usingaperi uye vasingafi.”—Clement wokuAlexandria, munyori wemuzana remakore rechipiri nerechitatu C.E.
SEZVAIITA Clement, vaya vanotsigira dzidziso yokuti hero inzvimbo inotambudzwa vanhu vanoti vanhu vane mweya usingafi. Bhaibheri rinotsigira here dzidziso iyi? Chimboona zvinotaurwa neShoko raMwari parinopindura mibvunzo inotevera.
Munhu wokutanga Adhamu, aiva nomweya usingafi here? Bhaibheri Rinoera, reChechi yeRoma, richitaura nezvokusikwa kwaAdhamu rinoti: “TENZI Mwari akaumba munhu nevhu renyika akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, munhu akabva ava chisikwa chine upenyu.” (Genesisi 2:7) Ona kuti rugwaro urwu harusi kuti Adhamu akapiwa mweya.
Chii chakazoitika kuna Adhamu paakanga atadza? Chirango chaakapiwa naMwari chakanga chisiri chokuti atambudzwe nokusingaperi muhero. Pane kudaro Bhaibheri Rinoera rinoshandura mutongo waMwari richiti: “Uchadya zvokudya zvako nedikita, kudzamara wadzokera muvhu, nokuti ndimo mawakabva. Nokuti uri ivhu saka uchadzokerazve kuivhu.” (Ndisu tatsveyamisa mabhii; Genesisi 3:19) Zvakataurwa naMwari hazvirevi kuti Adhamu aiva nechimwe chinhu chaizoramba chichirarama kana afa. Pakafa Adhamu, mweya unonzi Adhamu ndiwo wakafa.
Pane munhu ane mweya usingafi here? Mwari akaudza Ezekieri kuti: “Mweya unotadza uchafa.” (Ezekieri 18:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe [Adhamu], norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kana vanhu vose vachitadza, zviri pachena kuti mweya yose inofa.
Mweya wakafa unoziva kana kunzwa zvimwe zvinhu here? Shoko raMwari rinoti: “Vanhu vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, Bhaibheri Rinoera) Richitsanangura zvinoitika kumunhu paanofa, Bhaibheri rinoti: “Kana vafa vanodzokera kuvhu, nezuva iro mazano avo ose anobva angopera.” (Pisarema 146:4, Bhaibheri Rinoera) Kana vakafa ‘vasina chavanoziva’ uye ‘mazano avo angopera,’ vangatambudzwa sei muhero?
Jesu Kristu haana kufananidza rufu nechiitiko chaunenge uchiziva zvinenge zvichiitika asi akarufananidza nokurara.a (Johani 11:11-14) Zvisinei, vamwe vangaramba vachiti Jesu akadzidzisa kuti hero inopisa uye vatadzi vachakandwa muhero yomoto. Ngatimbokurukurai zvakanyatsotaurwa naJesu pamusoro pehero.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko anokurukura nezvenyaya iyi, ona nyaya inoti “Zvatinodzidziswa naJesu—Nezvetariro Yevakafa” iri pamapeji 16 kusvika 17.