Swedera Pedyo naMwari
“Ivai Vatevedzeri vaMwari”
MUTSA. Tsitsi. Kukanganwira. Rudo. Zvinosuruvarisa kuti kashoma kuona vanhu vachiratidza unhu hwakadai mazuva ano. Zvakadini newe? Wakambofunga here kuti pasinei nezvose zvaungaedza kuita haumbofi wakaratidza unhu hwakanaka? Mwoyo unozvipa mhosva ungaramba uchikuudza kuti zvimwe zvipingamupinyi, zvakadai setsika dzakaipa dzakadzika midzi kana zvimwe zvinhu zvinorwadza zvinenge zvakaitika muupenyu hwako zvingaita kuti usambofa wakava nounhu hwakanaka. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinodzidzisa mashoko aya echokwadi anopa tariro okuti Musiki wedu anoziva kuti tinokwanisa kuva nounhu hwakanaka.
Shoko raMwari rinorayira vaKristu vechokwadi kuti: “Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1) Mashoko aya anoratidza zvinoshamisa kuti Mwari anovimba nevanamati vake. Sei? Jehovha Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akafanana naye. (Genesisi 1:26, 27) Saka Mwari akapa vanhu unhu hwakafanana nohwake.a Naizvoizvo, Bhaibheri parinokurudzira vaKristu kuti vave “vatevedzeri vaMwari,” zvinenge zvichiita sokuti Jehovha pachake ari kuti kwavari: ‘Ndinotenda mamuri. Ndinoziva kuti pasinei nokusakwana kwenyu, munogona kunditevedzera.’
Ndohupi umwe unhu huna Mwari hwatinogona kutevedzera? Ndima dziri pedyo dzinopindura. Ona kuti Pauro akatanga kukurudzira kuti titevedzere Mwari nokushandisa shoko rokuti “naizvozvo.” Shoko iri rinobatanidza ndima iri pamusoro pacho inotaura nezvomutsa, kunzwira tsitsi, uye kukanganwira. (VaEfeso 4:32; 5:1) Adaro, mundima inozotevera zano raakapa rokuti titevedzere Mwari, Pauro anoudza vaKristu kuti vatevere mararamiro oupenyu hwokuratidza rudo rusina udyire. (VaEfeso 5:2) Chokwadi, kana zviri zvokuratidza mutsa, kunzwirana tsitsi, kukanganwira vamwe, kuratidzana rudo, tine muenzaniso mukuru, Jehovha Mwari, wokuti titevedzere.
Nei tichifanira kuda kufanana naMwari? Ona kukurudzira kune simba kuri mumashoko aPauro: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” Aya haasi mashoko anonyaradza here? Jehovha anoona vanamati vake sevana vaanoda zvikuru. Sezvinongoita kakomana kaduku kanoedza kutevedzera baba vako, saizvozvowo vaKristu vechokwadi vanoedza nepavanokwanisa kuda kutevedzera Baba vavo vokudenga.
Jehovha haamanikidzi vanhu kuti vamutevedzere. Asi, akatiremekedza nokutipa rusununguko rwokusarudza. Saka pasinei nokuti uchatevedzera Mwari here kana kuti kwete, izvozvo zviri kwauri. (Dheuteronomio 30:19, 20) Zvisinei, usambokanganwa kuti unokwanisa kuratidza unhu hwakafanana nohwake. Asi kuti utevedzere Mwari unofanira kutanga waziva kuti akaita sei. Bhaibheri rinogona kukubatsira kudzidza zvose nezvounhu hwaMwari husingaenzaniswi uhwo hwakwezva mamiriyoni evanhu kuti vade kumutevedzera.
[Mashoko Omuzasi]
a Pana VaKorose 3:9, 10 panoratidza kuti, kunzi takasikwa nomufananidzo waMwari kune chokuita nounhu hwake. Vaya vanoda kufadza Mwari vanokurudzirwa kupfeka “unhu hutsva,” huno“itwa hutsva maererano nomufananidzo woUya [Mwari] akahusika.”