RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 9/1 p. 25
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 9/1 p. 25

Waizviziva Here?

Nei Judhasi akapiwa masirivha 30 kuti atengese Jesu?

Judhasi Iskariyoti paakasangana nevapristi vakuru kuti azive kuti vaizomupa marii kuti atengese Jesu, vakati vaizomupa “masirivha makumi matatu.” (Mateu 26:14, 15) Mari iyi inoita seinoratidza kuti vaivenga Jesu zvakadini uye kuti vakanga vasingamukoshesi sei.

Mari iyi inogona kunge yaiva mashekeri esirivha, mari dzaishandiswa nevaJudha. Mashekeri 30 aigona kutenga chii? Mari iyi yaigona kutenga muranda sezvakanga zvataurwa noMutemo waMosesi. Mashekeri makumi matatu aigonawo kutenga munda.—Eksodho 21:32; Mateu 27:6, 7.

Muprofita Zekariya paakakumbira mari yokushanda kwaakanga aita somufudzi wevanhu vaMwari kuvaIsraeri vakanga vasina kutendeka, vakayera ndokumupa “masirivha makumi matatu.” Uku kwaiva kuzvidza nemaune muprofita waMwari kwairatidza kuti vaingomuona somuranda. Saka, Jehovha akarayira Zekariya kuti: “Akande munzvimbo inochengeterwa pfuma—iwo mutengo mukuru wavakanditenga nawo sokuona kwavo.” (Zekariya 11:12, 13) Zvakaitwa naZekariya achiteerera murayiro uyu zvinotiyeuchidza kuti Judhasi aizoita sei nemari yaainge apiwa pamusana pokutengesa Munhu akanga asarudzwa naJehovha kuti ave mufudzi waIsraeri.—Mateu 27:5.

‘Rugwaro rwokuramba’ runotaurwa muBhaibheri rwaimbova chii?

Mutemo waMosesi waiti: “Kana munhu akawana mukadzi, . . . kuti ave mudzimai wake, kana akasamufarira nokuti anenge aona chimwe chinhu chisina kunaka paari, anofanirawo kunyora rugwaro rwokumuramba, oruisa muruoko rwake, omudzinga pamba pake.” (Dheuteronomio 24:1) Rugwaro urwu rwaiita basa rei? Magwaro haatauri kuti zvii zvaiva zvakanyorwa parugwaro rwacho, asi hapana mubvunzo kuti zvaidzivirira kodzero uye zvaidiwa nomukadzi anenge arambiwa.

Muna 1951-1952, pane zvinhu zvekare zvakawanikwa mumapako nechokuchamhembe kweWadi Murabbaat, nzvimbo yaimbova norwizi iri mugwenga reJudhiya. Pamanyoro akawanikwa ipapo paiva norugwaro rwokuramba rwaiva rwakanyorwa nechiAramaiki uye rwaiva rwokuma71 kana kuti 72 C.E. Rwaitaura zvakanga zvaitika musi wokutanga womwedzi waMarheshvan, mugore rechitanhatu vaJudha vapandukira hurumende yeRoma. Joseph, mwanakomana waNaqsan, aigara kuMasada, akaramba Miriam, mwanasikana waJonathan wokuHanablata. Miriam akanga asununguka kuti aroorwe nomumwe murume wechiJudha waaizoda. Joseph akadzorera Miriam mari yokumuroora ndokumudzorera mari yapetwa kana yezvinhu zvake zvakanga zvakanganisika. Rugwaro urwu rwakasayinwa naJoseph pachake uye zvapupu zvitatu—Eliezer, mwanakomana waMalka; Joseph, mwanakomana waMalka; naEleazar, mwanakomana waHanana.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Mapako ari Pawadi Murabbaat

[Mufananidzo uri papeji 25]

Rugwaro Rwokuramba Rwomugore ra71/72 C.E.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Mapako: Todd Bolen/Bible Places.com; certificate: Clara Amit, Courtesy of the Israel Antiquities Authority

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe