Tiri Munguva Dzinonetsa
BHAIBHERI rakafanotaura kuti vanhu vaizorarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Rinotsanangura nguva iyi se“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5; 2 Petro 3:3-7) Jesu Kristu akataura nezvenguva iyi paaipindura mubvunzo wakanga wabvunzwa nevadzidzi vake nezve“kuguma kwemamiriro ezvinhu.” (Mateu 24:3) Tiri kurarama mumazuva okupedzisira here? Enzanisa zvakafanotaurwa neBhaibheri nemashoko achangobva kubuda ari pasi apa, woona kuti chokwadi ndechipi.
Zvakafanotaurwa neBhaibheri: hondo mupasi rose—Ruka 21:10; Zvakazarurwa 6:4.
Mashoko achangobva kubuda anoti: “Nhamba yevanhu vakaurawa muhondo dzakaitika mumakore 100 apfuura inopeta katatu nhamba yevakafa makore 1 900 akanga apfuura, kubva panguva yakaberekwa Kristu.”—Worldwatch Institute.
Zvakafanotaurwa neBhaibheri: zvirwere uye kushomeka kwezvokudya—Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:5-8.
Mashoko achangobva kubuda anoti: Muna 2004 zvinofungidzirwa kuti vanhu vanosvika mamiriyoni 863 mupasi rose vakanga vasina zvokudya zvakakwana, nhamba iyi inopfuura yomuna 2003 nemamiriyoni 7 evanhu.—United Nations Food and Agriculture Organization.
Vanhu vanosvika 1 bhiriyoni vanogara muzvitangwena; 2,6 bhiriyoni havana zvimbudzi nepokurasira marara; 1,1 bhiriyoni havawani mvura yokunwa yakachena.—Worldwatch Institute.
Vanhu mamiriyoni 500 vane marariya; 40 miriyoni vari kurarama vaine HIV kana kuti AIDS; 1,6 miriyoni vakafa neTB muna 2005.—World Health Organization.
Zvakafanotaurwa neBhaibheri: kuparadzwa kwepasi—Zvakazarurwa 11:18.
Mashoko achangobva kubuda anoti: “Zviri kuitwa nevanhu mupasi rino zviri kuita kuti zvisikwa zvakawanda zvive pedyo nokutsakatika.” “Zviri kuitwa nezvakatipoteredza kuti zvitsigire upenyu hwezvinhu zvakasikwa zviri kuderera nezvikamu zviviri muzvitatu mupasi rose.”—Millennium Ecosystem Assessment.
“Utsi hunobva pazvinhu zvinoshandiswa nevanhu huri kukanganisa zvikuru mamiriro okunze ePasi zvingangokonzera njodzi panyika.”—NASA, Goddard Institute for Space Studies.
Zvakafanotaurwa neBhaibheri: mashoko akanaka oUmambo hwaMwari achaparidzwa mupasi rose—Mateu 24:14; Zvakazarurwa 14:6, 7.
Mashoko achangobva kubuda anoti: Muna 2007, Zvapupu zvaJehovha 6 957 854 zvakapedza maawa anopfuura 1,4 bhiriyoni zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika 236.—2008 Yearbook of Jehovah’s Witnesses.
Sezvambotaurwa, Bhaibheri rakafanotaura kuti pasinei nemashoko asingafadzi aya, paizova nezvikonzero zvokuti titarisire remangwana rakanaka. Jesu akataura nezve“mashoko akanaka” oUmambo hwaMwari. Umambo hwaMwari chii? Nei huchiita kuti vanhu vatarisire remangwana rakanaka? Uye Umambo hwaMwari huchakubatsira sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Bhaibheri rakafanotaura mamiriro ezvinhu ari munyika atiri kuona nhasi