Panofa Mumwe Munhu Waunoda
Mamwe manheru omusi weChipiri, pana July 17, 2007, nenguva dzokuma7 kiroko, imwe ndege yakabuda mumugwagwa wenhandare huru yendege kuBrazil, iri pakati chaipo peguta reSão Paulo. Ndege yacho yakadambura nepane mugwagwa mukuru ndokunobondera pane chimwe chiteshi chezvinhu. Vanhu vanenge 200 vakafa mutsaona yacho.
TSAONA iyi yakarondedzerwa setsaona yakaipisisa yendege yati yaitika muBrazil iyo icharamba isingabudi mupfungwa dzevanhu vakafirwa nevadiwa vavo. Claudete akafirwawo mutsaona iyi. Aiona TV paakanzwa nhau dzaitaura nezvetsaona yendege yacho. Mwanakomana wake Renato, aivawo mundege iyi. Renato aingova nemakore 26. Ainge akaronga kuchata muna October. Claudete avhiringidzika akaedza kuti ataure nemwana paserura yake, asi hapana akapindura. Akadonhera pasi ndokutanga kuchema zvainzwisa tsitsi.
Antje akafirwa nomukomana wake mutsaona yemotokari yakaipisisa muna January 1986. Paakanzwa nezvazvo, akarohwa nehana. “Pakutanga handina kuzvibvuma. Ndakafunga kuti ndakanga ndiri kurota zvinhu zvakaipa uye kuti ndaizongoerekana ndapepuka ndozongoona kuti dzaingova hope. Ndakadedera uye ndakarwadziwa zvikuru sokunge ndakanga ndarohwa nomumwe munhu mudumbu.” Antje akarwara nechirwere chokushungurudzika mupfungwa kwemakore matatu akatevera. Kunyange zvazvo padarika makore 20 kubvira pakaitika tsaona yacho, achiri kudedera paanofunga zvakaitika.
Mashoko oga haakwanisi kubudisa manzwiro okurohwa nehana, okusabvuma zvinenge zvaitika, okupererwa, uye okuora mwoyo anogona kukonzerwa nenjodzi yakadaro, yokungoerekana wafirwa. Zvisinei, kunyange uchitarisira kuti munhu waunoda achafa, zvichida pashure pokurwara kwenguva refu, unogona kungosuruvara zvikuru. Hakuna munhu akagadzirira zvachose rufu rwomunhu waanoda. Amai vaNanci vakafa muna 2002 pashure pokunge varwara kwenguva refu. Kunyange zvakadaro, musi wakafa amai vake, Nanci akagara pasi pasimendi chaipo kuchipatara arohwa nehana zvikuru. Zvaiita sokuti upenyu hwakanga husina chinangwa zvachose. Iye zvino padarika makore mashanu, asi achiri kungochema paanofunga amai vake.
Dr. Holly G. Prigerson akati, “Ronda rokufirwa haribudi mumwoyo, asi kungoti rinongozojairwa.” Kana wakambofirwa nomumwe munhu waunoda, usingatarisiri kana kuti uchizvitarisira, ungabvunza kuti: ‘Ndinofanira kusuruvara here? Ndingaita sei kuti ndikwanise kurarama nedambudziko rokufirwa nomunhu wandinoda? Ndichazomboona here mudiwa wangu?’ Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi nemimwe yaungave nayo.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
EVERTON DE FREITAS/AFP/Getty Images