Vaverengi Vanobvunza Kuti
Mafashamo Omuzuva raNoa Akanyatsoitika Munyika Yose Here?
Mafashamo omuzuva raNoa akaitika makore anopfuura 4 000 adarika. Saka pane vakaona mafashamo aya hapana achiri mupenyu angatiudza nezvawo. Zvisinei, izvi zvine pazvakanyorwa, panotaura kuti mafashamo akafukidza gomo refu pane ose omunguva iyoyo.
Nhoroondo yacho inoti: “Zvino mafashamo akapfuurira kwemazuva makumi mana panyika . . . Mvura yakafukidza nyika kwazvo zvokuti makomo ose marefu aiva pasi pematenga ose akafukidzwa. Mvura yakaafukidza kusvikira kumakubhiti gumi nemashanu [mamita anenge 6,5] uye makomo akafukidzwa.”—Ge 7:17-20.
Vamwe vangasava nechokwadi kana nyaya yokuti nyika yose yakafukidzwa nemvura yakaitika zvechokwadi kana kuti zvimwe yakaita zvokuwedzeredzwa. Hazvina kudaro! Kutaura chokwadi, nyika ichakazara nemvura. Mvura yomugungwa inofukidza inenge 71 muzana yepasi rose. Saka kutaura zvazviri mvura yemafashamo ichiripo. Kudai makomo nemakomo echando aripo aizonyungudika, mvura iri mugungwa yaizowanda zvokufukidza maguta akadai seNew York neTokyo.
Vanodzidza nezvezvakaita nyika vaiongorora zvakaita kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweUnited States vanoti kwenguva refu mafashamo akaitika munzvimbo yacho kanopfuura ka100. Pamwe pakaitika mafashamo akadai akaparadza nharaunda yacho nemvura yaikwira mudenga mamita 600 uye yaiyerera ichimhanya makiromita 105 paawa. Vamwe vasayendisiti vakawana zvakafanana vakagumisa kuti mafashamo angangodaro akaitika munyika yose.
Zvisinei, kune vaya vanobvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari, havana mubvunzo kuti mafashamo omunyika yose akaitika. Kwavari akaitika zvechokwadi. Jesu akati kuna Mwari: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Muapostora Pauro akanyora kuti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Pauro aizodzidzisa sei vateveri vaJesu chokwadi nezvaMwari nezvinangwa zvake, kudai Shoko raMwari raiva ngano?
Jesu aisangobvuma kuti pakava neMafashamo asiwo kuti akaitika munyika yose. Paaitaura uprofita hwokuvapo kwake uye hwokuguma kwemamiriro ezvinhu, akafananidza zvaizoitika nezvepanguva yaNoa. (Mateu 24:37-39) Muapostora Petro akanyorawo nezvemafashamo omuzuva raNoa achiti: “Nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.”—2 Petro 3:6.
Kudai Noa akanga asiri munhu chaiye uye mafashamo iri ngano, zvakanyeverwa naPetro naJesu kune vaya vari kurarama mumazuva okupedzisira zvaizoshaya basa. Pane kuti dzinyevere munhu, pfungwa dzakadaro dzingamuvhiringidza pakunzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri uye dzingaita kuti zvimuomere kupukunyuka dambudziko rakakura kupfuura Mafashamo omuzuva raNoa.—2 Petro 3:1-7.
Paaitaura nezvengoni dzaairamba achiitira vanhu vake, Mwari akati: “Sezvandakapika kuti mvura yaNoa haichazofukidzizve nyika, naizvozvo ndapikawo kuti handichazokutsamwiri kana kukutuka.” Mafashamo omuzuva raNoa zvaakaitika munyika yose, naizvozvo Mwari achaitira vaya vanovimba naye mutsa worudo.—Isaya 54:9.