RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 p. 22
  • “Izita Risingataurwi” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Izita Risingataurwi” Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Ndiani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Jehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zita raMwari—Revo Yaro Nokududzwa Kwaro
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • A4 Zita raMwari muMagwaro echiHebheru
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 p. 22

“Izita Risingataurwi” Here?

CHIDHORI chinonzi Gateway Arch chakareba mamita 192 chiri pedyo norwizi kuSt. Louis, kuMissouri ndicho chirefu kupfuura zvimwe zvose muUnited States. Pedyo nerimwe divi rechidhori ichi pane chechi isina kunyanya kureba, inozivikanwa seOld Cathedral.

Kabhuku kanonzi The Story of the Old Cathedral kakabudiswa nechechi iyi kanotsanangura mavakirwo akaitwa panopindwa napo muchechi yacho, kachiti: “Panopindwa napo pane vharanda rakanaka uye nechepamusoro paro pakanyorwa zvakanaka zita raMwari risingataurwi nemabhii makuru echiHebheru ane ruvara rwegoridhe.” Sezviri pamufananidzo, mabhii mana echiHebheru anoreva zita raMwari, יהוה (YHWH) kana kuti Tetragrammaton, anonyatsooneka.

Pakavakwa chechi iyi muna 1834, vafundisi vaipindira kuSt. Louis vakafunga kuti zita racho remabhii mana echiHebheru rinofanira kukosheswa. Saka nei zita raMwari richinzi “harifaniri kutaurwa”?

Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinotsanangura zvakaitika pane imwe nguva vaJudha vabva kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa muzana remakore rechitanhatu B.C.E. Rinoti: “Zita rokuti Yahweh [kana paTetragrammaton pawedzerwa mavhawero] rakatanga kuremekedzwa zvikuru richinzi harifaniri kutaurwa, uye pakatanga tsika yokuritsiva nemashoko okuti ADONAI [Ishe] kana kuti ELOHIM [Mwari]. . . . Nokufamba kwenguva tsika iyi ndiyo yakaita kuti madudzirwo akarurama aiitwa zita rokuti Yahweh akanganwike.” Saka vanhu vakarega kutaura zita raMwari. Vakapedzisira vasingachazivi madudzirwo chaiwo aiitwa zita raMwari kare uye vasingachatauri zita iri.

Kunyange zvazvo tingasaziva kuti zita raMwari rainyatsodudzwa sei, chinokosha ndechokuti kurishandisa kunotiswededza pedyo naye. Ungada here kuti shamwari dzako dzikudane dzichiti “iwe” kana kuti “imi,” kana kuti ungada kuti dzikudane nezita rako chairo? Kunyange vachitaura mumwe mutauro uye vasinganyatsodana zita rako zvakanaka, haudi kuti vangokudana nezita rako here? Zvakangofananawo naMwari. Anoda kuti tishandise zita rake chairo rokuti Jehovha.

MuChishona, zita iri rinodudzwa richinzi “Jehovha.” Hazvingavi zvakakodzera here kuti vose vanoda Mwari vamudane nezita rake iroro kuitira kuti vaswedere pedyo naye? Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe