RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 4/1 p. 32
  • Ndiani Anonyatsokwanisa Kutonga Vanhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anonyatsokwanisa Kutonga Vanhu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 4/1 p. 32

Hurukuro Yavose Chaiyo

Ndiani Anonyatsokwanisa Kutonga Vanhu?

Mutongi upi anogona

• kugadzirisa zvinetso zvemari, kuvimbisa mafashafasha ezvokudya uye pokugara pakanaka kuvanhu vose?

• kudzivisa njodzi dzinongoerekana dzaitika, achidzivirira vanhu panyatwa inokonzerwa netsunami, madutu kana kuti kudengenyeka kwenyika?

• kubvisa zvirwere zvose, kunyange kuita kuti vakwegura vavezve nesimba rouduku?

• kugumisa hondo dzose, achiita kuti vanhu vaanotonga vararame murugare uye vakachengeteka?

• kuita kuti zvinhu zvipenyu nezvinhu zvakatipoteredza zvive zvakakwana, achishandura nyika kuti ive paradhiso?

Pane Mutongi mumwe chete anogona kuunza zvikomborero zvose izvi. Ndiani Mutongi iyeye? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa muhurukuro yavose inoti, “Ndiani Anonyatsokwanisa Kutonga Vanhu?” Iyi hurukuro yeBhaibheri ichakurukurwa mupasi rose munyika dzinopfuura 230. Munzvimbo dzakawanda, ichakurukurwa paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha musi weSvondo, April 6, 2008. Zvapupu zviri kwaunogara zvichafara kukuudza nguva nenzvimbo yomusangano wacho. Unokokwa noushamwari kuti upinde.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe