RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 10/15 p. 31
  • Kufarira “Kukunda neGwayana”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira “Kukunda neGwayana”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nyanzvi Dzinopedza Kufunda dzeShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inokurira Gamuchidzanwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Rovedzo yeGilead Mukutenda Kutsvene Zvikurusa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 10/15 p. 31

Kufarira “Kukunda neGwayana”

MUTSAMBA yavakanyora muna 1971 hama Carey W. Barber vakataura nezvemakore avo 50 okutanga vachishumira Mwari wechokwadi: “Makore aya mubasa raJehovha ave akanaka zvinoshamisa. Kuwadzana nevanhu vake; kudzivirirwa pavanhu vanoita zvakaipa venyika yaSatani; kutarisira kukunda neGwayana, Jesu Kristu; uye uchapupu hworudo rwaJehovha zvose izvi zvinounza rugare rwakanaka uye kugutsikana kunochengetedza mwoyo uye kunopa tariro yechokwadi yokukunda kwokupedzisira.”

Makore matanhatu gare gare, Hama Barber, muKristu uyu akazodzwa akatanga kushanda muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Mumakore 30 akatevera vari mubasa iri, vakaramba vachitarisira “kukunda neGwayana.” Vakaita izvi nokuramba vakatendeka kusvikira parufu rwavo vava nemakore 101 musi weSvondo, April 8, 2007.—1 VaKorinde 15:57.

Hama Carey Barber vakaberekwa kuEngland muna 1905 uye vakabhabhatidzwa muWinnipeg, Canada, muna 1921. Vakanga vari mapatya, ivo naNorman, uye makore maviri gare gare vakatamira kuBrooklyn, New York, kuti vanobatsira muchirongwa chitsva. Panguva iyoyo, vanhu vaJehovha vakanga vava kuda kutanga kudhinda mabhuku avo okuti vaparadzire mashoko akanaka oUmambo “munyika yose inogarwa.” (Mateu 24:14) Rimwe remabasa okutanga akaitwa naHama Barber raiva rokushandisa muchina muduku wokudhinda. Zvimwe zvinhu zvakadhindwa zvaisanganisira magwaro emitemo enyaya dzedare dzaida kukwidzwa kuDare reDzimhosva rePamusorosoro reUnited States. Nokufamba kwenguva, Hama Barber vakashanda muDhipatimendi Rebasa, vachitarisira nyaya dzeungano nebasa rokuparidza romunyika iyi.

Vaine ruzivo urwu, Hama Barber vainyatsokodzera basa ravakapiwa muna 1948 rokuva mushumiri anofambira, vachifambira magungano neungano dzose dzaiva munharaunda dzokumadokero kweUnited States. Vakati vainyanya kufarira kufurwa nemhepo vachiita basa rokuparidza. Basa iri rakaita kuti Hama Barber vazivane nehama nehanzvadzi dzakawanda. Pfungwa dzavo dzakanga dzakapinza uye kushingaira kwavaiita muushumiri zvakabatsira zvikuru pavakazopinda kirasi yechi26 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Vachiri pachikoro, vakazivana nomumwe mudzidzi wokuCanada, ainzi Sydney Lee Brewer. Vapedza kudzidza vakaroorana uye vakasasana pavaienda kunofambira ungano dzaiva muChicago, Illinois. Hanzvadzi Barber vakava mudzimai aibatsira chaizvo uye aivatsigira nguva dzose mumakore makumi maviri avaiva pamwe chete muushumiri hwokufambira.

Vaya vakaona Hama Barber uye vakasvika pakuvaziva mumakore avaiva mutariri weruwa newedunhu kana mumakore 30 avakapedza vachishanda uye vachifambira vava nhengo yeDare Rinodzora vacharamba vachiyeuka hurukuro netsinhiro dzavo dzine upenyu. Chokwadi tine chikonzero chokufarira “kukunda [kwavo] neGwayana.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe