RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 9/15 p. 32
  • ‘Kubudirira Munguva Yokuchena Musoro’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kubudirira Munguva Yokuchena Musoro’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 9/15 p. 32

‘Kubudirira Munguva Yokuchena Musoro’

VANHU vakawanda vokuMediterranean vanosima miti yemichindwe muzvivanze zvavo. Miti iyi inozivikanwa norunako rwayo nemichero yayo inozipa. Uyezve, inoramba ichibereka kwemakore anodarika zana.

Mambo Soromoni wokuIsraeri yekare achidetemba akarondedzera chimiro chetsvarakadenga yechiShuramiti achiifananidza nomuti womuchindwe. (Rwiyo rwaSoromoni 7:7) Bhuku rinonzi Plants of the Bible rinoti: “Shoko rechiHebheru romuchindwe ndi‘tàmâr. . . . Shoko iri rakava mucherechedzo worunako uye rainyanya kushandiswa sezita raipiwa vasikana.” Somuenzaniso, hanzvadzi yaSoromoni yaiva tsvarakadenga yakapiwa zita rokuti Tamari. (2 Samueri 13:1) Vamwe vabereki vachiri kutumidza vanasikana vavo zita iroro.

Hadzisi tsvarakadenga dzoga dzinofananidzwa nomuchindwe. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Munhu akarurama achatumbuka sezvinoita muchindwe; achakura sezvinoita musidhari uri muRebhanoni. Vaya vakadyarwa muimba yaJehovha, muzvivanze zvaMwari wedu, vachatumbuka. Vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro, vacharamba vaine simba uye vari vatsva.”—Pisarema 92:12-14.

Vaya vanoshumira Mwari vakatendeka pavanenge vakwegura vakaita somuchindwe wakanaka muzvinhu zvakawanda. Bhaibheri rinoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Kunyange zvazvo simba ravo ringaderera nokupindana kwemazuva, vanogona kuramba vaine simba mune zvokunamata nokugara vachidzidza Shoko raMwari, Bhaibheri. (Pisarema 1:1-3; Jeremiya 17:7, 8) Pamusana pemashoko avo ouchenjeri uye muenzaniso wavo wakanaka, vanhu vakwegura vakatendeka vanokurudzira vamwe zvikuru uye vanoramba vachibereka zvibereko gore negore. (Tito 2:2-5; VaHebheru 13:15, 16) Vanogona kuramba vachibudirira sezvinongoita muchindwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe