RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 8/15 p. 32
  • Kunyora Kwaikosha muIsraeri Yekare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyora Kwaikosha muIsraeri Yekare
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 8/15 p. 32

Kunyora Kwaikosha muIsraeri Yekare

WAKAMBOVERENGA here nhetembo mbiri refu dzokuGirisi yekare dzinonzi Iliad kana kuti Odyssey? Dzinofungidzirwa kuti dzakanyorwa muzana remakore rechipfumbamwe kana kuti rechisere B.C.E. Nhetembo idzi dzakafanana here neBhaibheri, iro rakanga ratanga kunyorwa mazana emakore akanga adarika? Bhuku rinonzi The Jewish Bible and the Christian Bible rinoti: “Bhaibheri rine nzvimbo dzinopfuura 429 dzarinotaura nezvokunyora uye magwaro akanyorwa. Iwoyu musiyano mukuru kana tikayeuka kuti Iliad inotaura nezvokunyora kamwe chete uye Odyssey haitombotauri nezvazvo.”

The Oxford Encyclopedia of Archaeology in the Near East inotsanangura kuti “zvinoratidza sokuti muIsraeri yekare kunyora kwaiva chinhu chaikosha pakunamata.” Somuenzaniso, sungano yoMutemo yakanga yakaita zvokunyorwa uye gare gare yakanga yava kuverengerwa varume, vakadzi nevana. Yaiverengwawo nokudzidzwa nevanhu vari mumapoka uye munhu ari oga. Pashure pokuongorora zvaiva muMutemo, Alan Millard, murayiridzi mukuru paUniversity of Liverpool, anoti: “Zviri pachena kuti vanyori veBhaibheri vaifungidzira kuti vaIsraeri vose vaigona kuverenga nokunyora.”—Dheuteronomio 31:9-13; Joshua 1:8; Nehemiya 8:13-15; Pisarema 1:2.

Muapostora Pauro anotsanangura kuti vaKristu vanofanira kuona sei zvinyorwa zvacho zvitsvene achiti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” Unoratidza kuti unokoshesa Bhaibheri nokuriverenga nguva dzose here?—VaRoma 15:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe