RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 7/1 p. 32
  • Zvidzidzo Zvinokosha Kuvaduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvidzidzo Zvinokosha Kuvaduku
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 7/1 p. 32

Zvidzidzo Zvinokosha Kuvaduku

GLADYS anoshanda pane chimwe chikoro muMendoza, kuArgentina. Rimwe zuva akapfuura nepane imwe kirasi ndokuona mudzidzisi achiverengera vana vaaidzidzisa vegiredhi rechina bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.a Gladys akaudza mudzidzisi wacho kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akati aida kumuratidza kuti angabatsirwa sei zvakanyanya nebhuku racho. Aona kuti zvakatsanangurwa naGladys zvaikosha, mudzidzisi wacho aida kuti rive rimwe remabhuku aidzidzwa pachikoro apa. Zvisinei, aifanira kubvumidzwa kuita izvozvo nomukuru wechikoro. Akafara chaizvo paakabvumidzwa.

Pazuva rokukurudzira vana kuverenga mabhuku, mudzidzisi wacho akati vana vaaidzidzisa vaverenge chitsauko chimwe chete chebhuku racho vamwe vepachikoro vakateerera. Nemhaka yezvakanaka zvakabuda paurongwa uhwu, mudzidzisi wacho akabuda achibvunzwa papurogiramu yeterevhizheni yomunyika iyoyo. Nyaya yetsika dzevana vechikoro payakataurwa, aibvunza papurogiramu yacho akati, “Munoita sei kuti vana vomukirasi yenyu vazvibate?” Mudzidzisi wacho akatsanangura kuti aishandisa Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Akatsanangura kuti kunyange zvazvo akanga asingadzidzisi zvechitendero mukirasi yake, aishandisa bhuku iri kuroverera tsika dzinokosha dzakadai sokuremekedza, kushivirira, kubatana, kushanda pamwe chete, kuteerera, uye rudo. Vose vakabvuma kuti izvi zvaiva zvidzidzo zvinokosha kuvaduku.

Ungada kuroverera tsika dzakadaro muvana vako here? Kumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akupe bhuku rinonakidza rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe