RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 1/15 p. 3
  • Murume Nomukadzi—Vakasikirwa Kuti Vabatsirane

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murume Nomukadzi—Vakasikirwa Kuti Vabatsirane
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Murume Nomukadzi Vokutanga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Basa Romukadzi muMagwaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 1/15 p. 3

Murume Nomukadzi—Vakasikirwa Kuti Vabatsirane

MURUME nomukadzi vakagara vachingoda kuva pamwe chete. Ndiwo masikirwo avakaitwa naMwari. Jehovha akaona kuti zvakanga zvisina kunaka kuti murume wokutanga, Adhamu, arambe ari oga. Saka Mwari akaita “mubatsiri [womurume], kuti ave mukwanisi wake.”

Jehovha akaita kuti Adhamu arare hope huru, ndokubva atora imwe yembabvu dzake “akatanga kuumba mukadzi nembabvu . . . akamuunza kumunhu.” Adhamu akafara zvikuru paakaona tsvarakadenga iyi yakanga yasikwa naJehovha zvokuti akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Nounhukadzi hwake, mukadzi akakwana Evha, zvechokwadi aidiwa. Uye Adhamu nechiremera chake chokuva munhurume aiva akakodzera kukudzwa. Vakanga vasikirwa kuti vabatsirane. Bhaibheri rinoti: “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”—Genesisi 2:18-24.

Zvisinei, nhasi mhuri dziri kuparara, uye ukama hwomurume nomukadzi kazhinji ndehwokushungurudzana chete kana kuti hune udyire. Makwikwi pakati pavo aita kuti pave nokupesana uye kusawirirana. Zvose izvi zvinopesana nechinangwa chaMwari nokuda kwomurume nomukadzi. Murume akasikwa kuti aite basa rinokosha panyika. Mukadzi aifanira kuva nenzvimbo yakasiyana inokudzwa somukwanisi womurume. Vaifanira kushanda pamwe chete vachiwirirana. Kubva pamavambo okuvapo kwevanhu, varume nevakadzi vanotya Mwari vakaedza nokutendeka kuita basa ravakasikirwa naJehovha, uye izvi zvakaita kuti vafare nokugutsikana. Mabasa api iwayo, uye tingaaita sei?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Murume nomukadzi vakasikwa kuti vaite mabasa anokudzwa muurongwa hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe