Mufaro weKrisimasi Unoramba Uripo Gore Rose Here?
“Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.”—Ruka 2:14.
MAMIRIYONI evanhu akajairana nemashoko aya engirozi dzaMwari padzaizivisa vafudzi vaifudza zvipfuwo zvavo usiku nezvokuberekwa kwaJesu. Panenge panguva inotaurwa nemachechi kuti ndipo pakaberekwa Jesu, vanhu vakawanda vanozviti vaKristu vanoedza nepavanogona napo kunatsiridza mufambiro wavo. Zvinhu zvinoitika munguva yeKrisimasi zvakadai somufaro, rugare, uye kutenderwa—zvinhu zvakaziviswa nengirozi—zvinowanzonzi mufaro weKrisimasi.
Mafungiro iwayo akanaka anokwezva kunyange vanhu vasingapembereri Krisimasi sezororo rechitendero. Ivowo vanoonga ushamwari hunoita sohunosimudzirwa nemhemberero yacho. Nguva yeKrisimasi painoita kuti vanhu vasaenda kuchikoro kana kubasa, zororo racho rinovapa mukana wokuzorora, wokupedza nguva vaine mhuri neshamwari dzavo, kana kuti vachingofarawo zvavo. Chokwadi, vanhu vakawanda vakatendeseka vanoona Krisimasi chaizvoizvo senguva yokukudza Jesu Kristu.
Chero zvavangataura nezvezvinoreva Krisimasi, vakawanda vanobvuma kuti manzwiro ose akanaka anokonzerwa nezororo racho kazhinji ndeenguva pfupi. Vanhu vanokurumidza kudzokera kumufambiro wavo wenguva dzose. Nyaya yaiti “Mufaro weKrisimasi,” yaiva muGwaro reRoyal Bank of Canada, yakati: “Vanhu vakawanda vanozviti ‘vaKristu’ vanongoedza kukodzera zita iroro kwevhiki shomanana gore roga roga, vachingoda kuti vafarirwe nevamwe vavo kusvikira Gore Idzva rapera, vodzokera kumararamiro avo oudyire uye okusava nehanya nokutambura kwevamwe.” Gwaro racho rinoenderera mberi richiti, “Zvakanyanya kuipa” nomufaro weKrisimasi ndezvokuti vanhu havarambi vainawo “gore rose.”
Ungave uchibvumirana nenyaya iyoyo kana kuti kwete, inomutsa mibvunzo inokosha. Vanhu vachazombokwanisa here kuva norupo uye kunzwisisana zvechigarire? Pane tariro chero ipi zvayo here yechokwadi yokuti zvakaziviswa nengirozi pausiku hwakaberekwa Jesu zvichazadziswa? Kana kuti, tariro yorugare rwechokwadi kunongova kurotawo zvako here?