RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 12/1 p. 32
  • Mutongi Anogona Kururamiswa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mutongi Anogona Kururamiswa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 12/1 p. 32

Mutongi Anogona Kururamiswa Here?

SLADJANA, mumwe weZvapupu zvaJehovha muCroatia, aifanira kumira pamberi pedare pamusana penyaya dzine chokuita nemari. Akasvika nenguva pamberi pomutongi. Zvisinei, mumwewo aifanira kuvapo akanonoka. Sladjana aida kwazvo kupupurira, saka vanhu vose pavakanga vakamirira, akava noushingi hwokutaura nomutongi.

“Changamire, munoziva here kuti nokukurumidza kunenge kusisina vatongi nematare edzimhosva pasi pano?” akabvunza kudaro. Chokwadi, akanga ari kureva vatongi sokuziva kwatinovaita nhasi.

Ashamiswa, mutongi akangomutarisa chete, ashaya romuromo. Nyaya yacho ikabva yatanga. Payakapera uye Sladjana asimuka kuti asaine gwaro, mutongi akakotama ndokumubvunza nekazevezeve kuti: “Une chokwadi nezvauchangobva kundiudza here, kuti nokukurumidza kunenge kusisina vatongi nematare edzimhosva pasi pano?”

“Hungu, Changamire. Ndizvozvo chaizvo!” akapindura Sladjana.

“Une uchapupu hwaizvozvo here?” mutongi akabvunza kudaro.

“Hunowanikwa muBhaibheri,” akapindura Sladjana.

Mutongi akati aida kuverenga uchapupu hwakadaro, asi akanga asina Bhaibheri. Saka Sladjana akamuudza kuti aizomuunzira. Zvapupu zvakashanyira mutongi wacho, zvakamupa Bhaibheri uye zvakamukurudzira kuti adzidze Bhaibheri vhiki imwe neimwe. Mutongi akabvuma chikumbiro ichi uye nokukurumidza akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Mashoko ouprofita ePisarema 2:10 anoti: “Zvino ivai nenjere, haiwa imi madzimambo; ruramiswai, haiwa imi vatongi venyika.” Zvinofadza kwazvo vanhu vakadaro pavanogamuchira nokuzvininipisa kutungamirira kunoita Jehovha norudo!

[Mufananidzo uri papeji 32]

Sladjana nomutongi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe