RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 11/15 p. 3
  • Nei Tichifanira Kuita Zvakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kuita Zvakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kuvimbika Kunotungamirira Vakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mwari Ngaakutungamirire Ku“upenyu Chaihwo”
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 11/15 p. 3

Nei Tichifanira Kuita Zvakanaka?

MUMWE muzvinadzidzo akamboti: “Simba rokuda ririmo mandiri, asi simba rokuita zvakanaka harimo. Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita.” Nei murume uyu aiomerwa nokuita zvakanaka zvaaida? Akatsanangura kuti: “Saka, ndinowana mutemo uyu mandiri: kuti pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri. Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati, asi ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.”—VaRoma 7:18, 19, 21-23.

Mashoko aya omuapostora Pauro, akanyorwa makore anenge 2 000 apfuura, anotsanangura kuti nei zvakaomera vanhu vasina kukwana kuti vaite zvakanaka. Kuomerera kuita zvakanaka, kunyanya zvinhu pazvinenge zvakaoma zvikuru, kunoda kuti tive nesimba rokuita tsika dzakanaka. Saka zvingava zvakanaka kana tikazvibvunza kuti, Chikonzero chinokosha zvikuru chokuita zvakanaka ndechipi?

Funga zvinotaurwa neMagwaro nezveramangwana romunhu ane tsika dzakanaka. Pana Pisarema 37:37, 38, tinoverenga kuti: “Cherechedza munhu asina chaanopomerwa, urambe uchiona munhu akarurama. Nokuti nguva yemberi yomunhu iyeye ichava norugare. Asi vadariki vachatsakatiswa pamwe chete; nguva yemberi yevanhu vakaipa ichagumiswa.” Zvirevo 2:21, 22 inotiudza kuti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”

Kunyange zvazvo vimbiso idzi nedzimwe dziri muBhaibheri dzichitikurudzira kuti tirambe tiri munzira inofadza Mwari, hadzisi chikonzero chikuru chinoita kuti tidaro. Chikonzero chacho chine chokuita nenhau inosanganisira zvisikwa zvose zvakangwara. Nyaya inotevera ichakurukura kuti nhau yacho ndeyeyi uye ine chokuita nesu pakudini.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe