RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 11/15 p. 31
  • Dzidzisa Vana Vako Kupindura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Vana Vako Kupindura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Jehovha Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kurudziranai Pamisangano Yeungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Tinganyatsogadzirira Sei Misangano Yedu?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Batisisa Ziviso Yapachena Yetariro Yako Isingazununguki
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 11/15 p. 31

Dzidzisa Vana Vako Kupindura

PERLA anogara kuMexico anoyeuka kuti paakanga achiri musikana muduku, amai vake vaimubatsira kugadzirira mhinduro pfupi dzeChidzidzo cheNharireyomurindi. Zvino Perla avawo nomwanakomana wake ane makore mashanu. Anomubatsira sei? “Kutanga ndinofanira kugadzirira. Pandinogadzirira, ndinotsvaka ndima inogona kunzwisiswa nomwanakomana wangu, yaanogona kutsanangura nemashoko ake pachake. Zvadaro tinonyanya kukurukura mashoko ari mune yaanoti ‘ndima yangu.’ Ndinomuti aitsanangure achishandisa mienzaniso yezvinoitika zuva nezuva. Tinobva tadzokorora mhinduro yacho kakawanda. Tinoshandisa chimwe chinhu chakaenzana nemaikorofoni kuitira kuti agoziva mabatiro aanofanira kuiita paanopindura. Ndinofara zvikuru kuti hapana musangano unopera asina kupindura kana kusimudza ruoko rwake. Kakawanda anoenda kune mutariri misangano isati yatanga omuudza kuti ndima yake ndeipi.”

Mumwe mukuru anoshumira neboka romutauro wechiHindi anonzi Jens, ane vanakomana vaviri, mumwe ane makore maviri mumwe ane mana. Iye nomudzimai wake pavanogadzirira misangano nevana vavo, vanoshandisa nzira yakadzidzwa naJens kuvabereki vake. Anoti: “Tinosarudza zvikamu zvine mashoko anogona kunzwisiswa nevana vedu. Tinobva taedza kuvatsanangurira muchidimbu nyaya yacho kana kuti pfungwa huru, zvadaro tinovabvunza mibvunzo yatinoda kuti vazopindura pamusangano. Kazhinji tinoshamiswa nemhinduro dzavanopa vakasununguka. Mapindurire avanoita anoratidza kunzwisisa kwavanenge vaita. Somugumisiro, mhinduro dzavo dzinoita kuti Jehovha akudzwe uye dzinoratidza kutenda kwavo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe