RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 11/1 p. 32
  • Daniel Nebheji Rake Regungano Reruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Daniel Nebheji Rake Regungano Reruwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 11/1 p. 32

Daniel Nebheji Rake Regungano Reruwa

JESU akatsiura vatungamiriri vezvitendero vaizviti vakarurama avo vakatsamwa pavakaona vakomana vaduku vachirumbidza Mwari pachena. Zvakanga zvakakodzera kuti Jesu avabvunze kuti: “Hamuna kumboverenga here izvi, zvokuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?”—Mateu 21:15, 16.

Daniel ane makore matanhatu, anopinda neungano yomutauro weRussian kuGermany, muenzaniso unoratidza kuti vaduku vachiri kurumbidza Jehovha. Aina amai vake nehanzvadzi yake, akapinda gungano reruwa reZvapupu zvaJehovha muDuisburg. Aka kaiva kokutanga kavakapinda gungano raiva nevanhu vakawanda kudaro. Zvinhu zvose zvaiva zvitsva: hotera yacho, vanhu vakawanda, kugara vakanyarara kwemazuva matatu, kubhabhatidzwa, ndoda mutambo. Daniel akazvibata sei? Akazvibata zvakanaka chaizvo.

Musi woMuvhuro gungano rapera, ava kumba zvakare, Daniel akakurumidza kumuka kuti aende kukireshi. Asi chii chakanga chichiri pabhachi rake? Bheji rairatidza kuti akanga apinda gungano! Amai vake vakamutsanangurira kuti: “Gungano rakapera. Nhasi unogona kubvisa bheji rako.” Asi Daniel akati: “Ndinoda kuti vanhu vose vaone kuti ndaiva kupi uye kuti vazive kuti ndakadzidzei.” Saka zuva rose kukireshi, akanga akapfeka bheji rake achidada naro. Mudzidzisi wake paakamubvunza nezvaro, Daniel akamurondedzerera purogiramu yegungano racho.

Nokuita izvozvo, Daniel akanga ari kutevera muenzaniso wezviuru zvevakomana nevasikana vave vachirumbidza Jehovha pachena kwemazana emakore akapfuura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe