RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 8/15 pp. 2-3
  • Vanyoro Vachagara Nhaka Yenyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanyoro Vachagara Nhaka Yenyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Paradhiso inotaurwa muBhaibheri iri kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Panyika, Sezvakunoitwa Kudenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 8/15 pp. 2-3

Vanyoro Vachagara Nhaka Yenyika

“Ndinofungidzira kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvichashandurwa zvodzorerwa kuva zvazvaiva. . . . Kwete mangwana mangwanani, asi kwapera nguva yakareba zvikuru, pakuchange kwava nedenga idzva nenyika itsva.”—Jean-Marie Pelt, nyanzvi yezvezvakapoteredza yokuFrance.

VAODZWA mwoyo nemamiriro ezvinhu ezvezvakapoteredza neemagariro evanhu panyika pano, vakawanda vaizofara kuona nyika yedu yachinjwa kuva paradhiso. Asi chido ichi hakusi kungorotawo zvako kwomuzana remakore rechi21. Kare kare, Bhaibheri rakavimbisa nezvokudzorerwa kweParadhiso pasi pano. Kutaura kwaJesu kwokuti, “vanyoro, . . . vachagara nhaka yenyika” uye “kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga,” kuri mune dzimwe ndima dzinozivikanwa zvikuru muMagwaro. (Mateu 5:5; 6:10) Zvisinei, nhasi vashoma vanotenda kuti nyika ichava paradhiso inogarwa nevanhu vanyoro. Kune vakawanda vanozviti vaKristu, havatarisiri kuti kuchazova neParadhiso.

Magazini yeFrench inobuda vhiki imwe neimwe inonzi La Vie inotsanangura chikonzero nei kutenda kuti kuchazova neparadhiso—pangava panyika pano kana kuti kudenga—kwakaregwa, kunyanya muChechi yeKaturike: “Kunyange zvazvo yaiva imwe yedzidziso huru yeKaturike kweanenge mazana 19 emakore, [pfungwa] yeparadhiso yakanyangarika mumitambo yezvokunamata, mharidzo dzomusi weSvondo, kosi dzechitendero, uye mumakirasi ekatekisimo.” Shoko racho chairo rinonzi rinovhiringidza zvikuru uye harinzwisisiki. Vamwe vaparidzi havatomborishandisi nokuti “rinopa pfungwa dzakawandisa dzomufaro wepanyika.”

Kuna Frédéric Lenoir, nyanzvi yezvokugarisana kwevanhu inonyanya kuongorora zvechitendero, paradhiso yava “yokungofungidzira.” Saizvozvowo, Jean Delumeau, munyori wenhau dzakaitika uye wemabhuku anoverengeka panyaya yacho, anofunga kuti kuzadzika kwezvipikirwa zveBhaibheri kunongova kwokufananidzira. Anonyora kuti: “Nezvomubvunzo wokuti, ‘Chii chasara nezveParadhiso?’ Dzidziso dzechiKristu dzinoti: Nemhaka yokumuka kwoMuponesi, rimwe zuva tose tichabatana maoko uye zvatinotarisira zvichazadzika.”

Zvichakakodzera here kutaura nezveparadhiso yepanyika pano? Nyika yedu ichange yakaita sei mune ramangwana? Harina kujeka here, kana kuti rinogona kunyatsooneka? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Emma Lee/​Life File/​Getty Images

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe