RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 7/15 p. 32
  • “Kubvira Nhasi, Ndava Kutenda Kuti Kuna Mwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kubvira Nhasi, Ndava Kutenda Kuti Kuna Mwari”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 7/15 p. 32

“Kubvira Nhasi, Ndava Kutenda Kuti Kuna Mwari”

MUMWE mukadzi wokuUkraine anonzi Alexandra, anogara muPrague, kuCzech Republic, akanga achidzokera kumba achibva zvake kubasa. Ari pachiteshi chemabhazi anofamba panjanji, akaona chikwama chiri pasi, chichingotsikwa-tsikwa nevanhu vaipfuura. Paakanhonga chikwama chacho uye paakachivhura akashamiswa nezvaakaona. Maiva nemari inonzi koruna yemapepa anokwana 5 000! Hapana aiva pedyo airatidza seaitsvaka chikwama chacho. Zvaakanga asiri womunyika iyi yeCzech Republic, zvakanga zvakaoma chaizvo kuti Alexandra awane chokurarama nacho. Aizoita sei?

Adzokera kumba, Alexandra akaratidza mwanasikana wake Victoria chikwama chacho. Vakatsvaka muchikwama chacho zita nekero zvomuridzi wacho asi havana chavakawana. Zvisinei, chikwama chacho chaiva nekapepa kaiva kakanyorwa dzimwewo nhamba. Kune rimwe divi repepa racho kwaiva nenhamba dzeakaundi yokubhengi, uye kune rimwe dzimwe nhamba dzakawanda. Muchikwama chacho maiva nemirayiridzo yairatidza kuti unofamba sei kuenda kubhengi romunzvimbo iyi nekatsamba kakanga kakanyorwa kuti “330 000 koruny” (mari inenge US$10 000). Ndiyo mari chaiyo yaiva muchikwama chacho.

Achishandisa dzairatidzika senhamba dzorunhare, Alexandra akakundikana pane zvose zvaakaedza kuita kuti aridzire bhengi racho runhare. Saka iye nomwanasikana wake vakaenda kubhengi racho ndokutsanangura zvakanga zvaitika. Vakabvunza nezvenhamba dzeakaundi yavakanga vawana muchikwama chacho. Zvisinei, bhengi racho rakati rakanga risina nhamba dzeakaundi yakadaro. Zuva rakatevera, Alexandra akaendazve neimwe nhamba yaiva muchikwama chacho. Chokwadi, paiva nomumwe mukadzi aichengeta mari yake mubhengi racho aishandisa nhamba dzeakaundi yacho. Alexandra naVictoria vakakurukura nomukadzi wacho uye akati ndiye akanga azvirasa. Pavakazoonana, mukadzi wacho akavatenda noushamwari achibva abvunza kuti, “Ndokupai chii nemari yamandidzorera iyi?”

Victoria akapindura kuti: “Hamufaniri kutibhadhara. Kudai tanga tichida mari yacho, tingadai taitora.” Achitaura nomutauro wechiCzech waakanga asinganyatsogoni, akatsanangura kuti: “Tiri kukudzorerai mari iyi nokuti tiri vamwe veZvapupu zvaJehovha. Hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri haitibvumiri kutora zvinhu zvisiri zvedu.” (VaHebheru 13:18) Achifara mukadzi wacho akati, “Kubvira nhasi, ndava kutenda kuti kuna Mwari.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe