“Mugumo Wakanakisisa Wandisina Kumbofunga Nezvawo”
MUMWE mudzidzisi wepachikoro chesekondari kuSpain akanyora kuti: “Kwemakore anodarika zana, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza kuti zvakabatana zvechokwadi, zvakatendeseka zvakakwana, uye zvinotonyanya kukosha, zvine kutenda kwakasimba zvikuru.” Chii chakaita kuti mudzidzisi uyu—uyo anoti haatendi kuti Mwari ariko—ataure mashoko akadaro?
Zvose zvakatanga pakanzi Noemí, mumwe mudzidzi wepachikoro chesekondari uye ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, anyore rondedzero pazamanishoni yokupedzisira pazvidzidzo zvake. Akasarudza kunyora rondedzero yaiva nomusoro waiti, “The Purple Triangles Under Nazi Rule.”
Nei akasarudza musoro iwoyo? Noemí anotsanangura kuti: “Sezvo paizova nomudzidzisi aizomaka basa rangu, ndakafunga kuti ndaigona kushandisa mukana uyu kumuparidzira. Nyaya yokuti Zvapupu zvaJehovha muNazi Germany zvakaramba sei zvakavimbika yakanga yabaya mwoyo wangu. Ndakafunga kuti yaizobayawo mwoyo yevamwe.”
Rondedzero yaNoemí yakachinja vamwe vanhu vakawanda kupfuura zvaainge afungidzira. Musi waOctober 5, 2002, rondedzero yake yakawana mubayiro pamakwikwi enyika okutsvakurudza zvinhu zvine chokuita nesayenzi uye zvine chokuita nevanhu. Mibayiro yemakwikwi iwayo inopiwa neboka revanhu vanosarudza vanenge vahwina rinoumbwa nenyanzvi dzedzidzo dzinosvika 20 dzokumayunivhesiti akakurumbira okuSpain.
Noemí akapiwa mubayiro wake naPilar del Castillo, gurukota redzidzo kuSpain. Noemí akashandisa mukana uyu kupa gurukota racho vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault. Gurukota racho rakabva rangobvuma chipo chacho.
Kutaundi rokumusha kwaNoemí rinonzi Manresa, pepanhau reko rakabudisa kubudirira kwake mudzidzo yepamusoro uye rakadzokorora zvaiva murondedzero yake. Panguva iyi, mutungamiriri wepachikoro chake akakumbira rondedzero yake kuitira kuti iiswewo papurogiramu yokupemberera gore rechi75 rechikoro chacho.
“Uyu mugumo wakanakisisa wandisina kumbofunga nezvawo pazvidzidzo zvangu zvesekondari,” anodaro Noemí. “Ndakafara chaizvo pandakaverenga mashoko akanyorwa nomudzidzisi wangu VaJorge Tomás Calot, sechikamu chesumo yavo kurondedzero yangu, anoti:
“‘Ini handitendi kuti Mwari ariko, asi ndingada kubvuma zvizere kuti Munhu uyu Mukuru aripo, uyo anoita kuti vanamati vake ‘vade vavakidzani vavo zvechokwadi.’’”