RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 5/15 p. 32
  • Kukosha Kwo“mudziyo Usina Simba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukosha Kwo“mudziyo Usina Simba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 5/15 p. 32

Kukosha Kwo“mudziyo Usina Simba”

“IMI varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva,” akanyora kudaro muapostora Petro, “muchikudza mukadzi sezvamunoita mudziyo usina simba.” (1 Petro 3:7) Kutaura kunoita Rugwaro runo kuti mukadzi “mudziyo usina simba” kunoderedza vakadzi munzira chero ipi zvayo here? Ngationei kuti pakutanga munyori akafuridzirwa aida kubudisa pfungwa ipi.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kudza” rinoreva kuti chinhu “chinokosha, . . . chinoremekedzwa.” Saka, murume wechiKristu anofanira kubata mudzimai wake nounyoro, achiratidza kuti ane hanya naye zvikuru somudziyo usina simba, unokosha. Uku hakusi kumuderedza. Somuenzaniso, chimbofunga nezverambi rakagadzirwa naTiffany. Zvechokwadi rambi iri rakaisvonaka harina kusimba. Asi kusasimba kwaro kunoderedza kukosha kwaro here? Kwete! Muna 1997 rambi rokutanga raTiffany rakatengeswa pamusika nemadhora mamiriyoni 2,8 okuAmerica (Z$280 000 000-000)! Kugadzirwa kwaro risina kusimba kwakawedzera kukosha kwaro, kwete kurideredza.

Saizvozvowo, kukudza mukadzi somudziyo usina simba hakuiti kuti asakosha kana kuti hakumuderedzi. Kugara nomudzimai wake “maererano nokuziva” zvinoreva kuti murume anofanira kuva nehanya nesimba romudzimai wake uye kuziva zvaasingakwanisi kuita, anofanira kuziva zvaanoda nezvaasingadi, mafungiro ake uye manzwiro ake. Murume ane hanya anoziva uye anoremekedza kusiyana kwounhu hwake nehwomudzimai wake. Anoratidza kuva nehanya zvikuru nomudzimai wake kuitira “kuti minyengetero [yake] irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Murume anokundikana kuremekedza mudzimai wake anokanganisa ukama hwake naMwari. Zviri pachena kuti Shoko raMwari harideredzi vakadzi. Asi, rinovaremekedza uye rinovakudza.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

© Christie’s Images Limited 1997

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe