RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 5/15 pp. 2-4
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Paradhiso inotaurwa muBhaibheri iri kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mwari Anopikira Paradhiso
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mwari Akasikirei Nyika?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 5/15 pp. 2-4

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

NEI uchinakidzwa nokufamba mupaki kana kuti kufamba-famba mubindu rine maruva anonhuhwirira zvakanaka? Nei uchifara paunoona nyanza yakaisvonaka kana kuti makomo akareba ane nhongonya dzakafukidzwa nemakore? Nei uchimira kuti uteerere shiri padzinoimba nziyo dzadzo dzinonakidza dziri pamusorosoro pemiti? Uye nei zvichifadza zvikuru kuona mhembwe yakaisvonaka ichisvetuka-svetuka kana kuti boka remakwai richifura kumafuro?

Mibvunzo iyi yose ine mhinduro imwe chete. Takasikwa kuti tigare muParadhiso! Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha ndomavakatangira upenyu hwavo. Chido chatiinacho chokugara muParadhiso takachiwana kwavari, uye ivo vakachiwana kuMusiki wavo, Jehovha Mwari. Aiziva kuti isu vanhu taizofara muParadhiso nokuti akatisika tiine unhu hunodiwa kuti tifarire musha iwoyo wakaisvonaka wepanyika pano.

Nei Jehovha akasika nyika? “Akaiumba kuti igarwe” nevanhu. (Isaya 45:18) “Muiti wenyika” akapa Adhamu naEvha musha wakaisvonaka weparadhiso, munda weEdheni. (Jeremiya 10:12; Genesisi 2:7-9, 15, 21, 22) Vanofanira kunge vaifarira chaizvo nzizi dzawo, maruva awo, uye miti yawo! Shiri dzinoyevedza dzaigona kuoneka mudenga, uye mhuka dzemhando dzakasiyana-siyana dzaifamba-famba mumunda macho—pasina kana yaikuvadza vanhu. Hove nezvimwe zvisikwa zvaifamba-famba mumvura yakachena yenyika. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti Adhamu naEvha vaiva pamwe chete. Vaigona kubereka vana vavo vowedzera musha wavo kuti uite Paradhiso vachifara vari pamwe chete nemhuri yavo yairamba ichikura.

Kunyange zvazvo nyika isiri paradhiso nhasi, inogona kuenzaniswa nomusha wakanaka wemhuri inofara. Musha wedu wepasi pose watakapiwa naMwari une zvatinoda—chiedza, kudziya, mvura, uye zvokudya. Tinoonga zvikuru chiedza chezuva uye kudziya kwaro uye chiedza chomwedzi usiku! (Genesisi 1:14-18) Munyika mune zvinhu zvakadai semarasha neoiri, zvatinogona kushandisa kuti tidziyirwe. Pamusana pokutenderera kunoita mvura nenzizi dzepanyika, nyanza, nemakungwa, tinowana mvura. Uye nyika yakafukidzwa nouswa hwakasvibirira.

Sezvo zvokudya zvingachengetwa mumusha, panyika pano pane mafashafasha ezvokudya. Zvatiine zvirimwa muminda uye minda yemichero, Jehovha ‘anotipa mwaka inobereka zvibereko uye anozadza mwoyo yedu nomufaro.’ (Mabasa 14:16, 17) Sezvo nyika ichitova musha wakanaka zvakadaro, fungidzira kuti ichange yakaita sei “Mwari anofara,” Jehovha, paachaiita paradhiso!—1 Timoti 1:11.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]

Butiro: Nyika: NASA photo; Nyeredzi: NASA, ESA uye AURA/Caltech

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe