RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 4/1 p. 32
  • Mwari Achiri Kutonga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Achiri Kutonga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 4/1 p. 32

Uri Kukokwa . . .

Mwari Achiri Kutonga Here?

NJODZI dzinongoitika dzoga, zvirwere zvinouraya, uori hunoitwa nevanhu vane zvinzvimbo zvepamusoro, kurwiswa nemagandanga, hondo, utsotsi. Kashoma kuti zuva ripfuure tisina kunzwa nhau dzorudzi urwu. Ungave wakawirwa nezvinhu izvi kana kuti kwete, unotoshamisika kuti nyika ino yakananga kupi uye kana zvinhu zvichazombova nani.

Kuti zvitaure nezvezvinetso zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 200 pasi pose zvichakurukura hurukuro yavose panguva yakakodzera, ine musoro unoti “Mwari Achiri Kutonga Here?” Ichakurukura zvinotaurwa naMwari uye zvipikirwa zviri muShoko rake risinganyepi, Bhaibheri, pamusoro pemibvunzo iyi inokosha:

Mwari ane hanya nezvinhu zvinoitika panyika here?

Anonzwa sei nezvevanhu?

Ane hanya nokugara kwako zvakanaka here?

Munharaunda dzakawanda, hurukuro yacho ichapiwa paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha nomusi weSvondo, April 30, 2006. Zvapupu zviri munharaunda yako zvichafara kukuudza nguva nekero yacho.

Unokokwa noushamwari kuzonzwa iyi hurukuro yepachena inokurudzira inobva muBhaibheri iyo ichapa mhinduro dzinogutsa dzomubvunzo unoti: Mwari Achiri Kutonga Here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe