RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 3/1 p. 32
  • Unoda Kuva Neshamwari Dzakanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Kuva Neshamwari Dzakanaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 3/1 p. 32

Unoda Kuva Neshamwari Dzakanaka Here?

VANHU vakawanda vanoda kuva neshamwari dzakanaka. Kukwanisa kutaurira shamwari yepedyo zvakaitika kwauri kunoita kuti upenyu hunakidze. Asi ungawana sei shamwari yakavimbika? Anoda kusvika makore 2 000 apfuura, Jesu akaratidza kuti chinhu chinokosha kuti vanhu vabudirire pakushamwaridzana kwavo kwose kuva norudo rusina udyire. Akadzidzisa kuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Mashoko aya akakurumbira anoratidza kuti unofanira kuva munhu asina udyire, ane rupo kuti uve neshamwari. Zvichitaurwa zviri nyore, kuti uve neshamwari, iwewo unofanira kuva noushamwari. Sei?

Vanhu havangoerekani vava shamwari dzemandorokwati. Nokutika, shamwari dzakasiyana nevanhu vatinongozivana navo. Vanhu vaunonzwa uri pedyo navo zvikuru. Zvinotoda kuti uite chimwe chinhu kuti uve noushamwari hwakadaro wohuchengetedza. Ushamwari hunowanzoda kuti uise zvinodiwa neshamwari yako pakutanga panzvimbo pezvako. Shamwari hadzisiyani mukufara kana mukutambudzika.

Unoratidza ushamwari hwechokwadi zvikurukuru nokunyaradza uye kubatsira munhu anenge achida kubatsirwa. Zvirevo 17:17 inoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” Kutaura zvazviri, ushamwari hungatova hwakasimba kupfuura hwatinahwo nedzimwe hama dzomumhuri. Zvirevo 18:24 inoti: “Kune shamwari dzinongoda zvokuputsana, asi kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” Ungada here kuziva kuti ungava sei neshamwari dzechokwadi dzakadaro? Ungada kuva mumwe weboka revanhu vanozivikanwa nokuva norudo pakati pavo here? (Johani 13:35) Kana zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukuratidza kuti ungawana sei shamwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe