“Vaya Vanoburukira Kugungwa Vari Mungarava”
PAKATARISANA nechiteshi chezvikepe cheGloucester, kuMassachusetts, U.S.A., pane chifananidzo chebhuronzi chinoratidza mutyairi wengarava, ari kuda kutyaira ngarava yake achipfuura nepane dutu. Chifananidzo chacho chinoyeuchidza nezvezviuru zvevabati vehove vokuGloucester vanonzi vakafira mugungwa. Nechepasi pechifananidzo chacho uye pachikwangwani chiri pedyo pakanyorwa mashoko ePisarema 107:23, 24 anoti: “Vaya vanoburukira kugungwa vari mungarava, vanoita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji; ndivo vanoona mabasa aIshe, uye mabasa ake anoshamisa munzvimbo dzakadzika.”—King James Version.
Kubata hove mugungwa reAtlantic rine hove dzakawanda kune ngozi. Mumakore apfuura, varume vanosvika 5 368 vokuGloucester, iye zvino ine vanhu vanenge 30 000, vanonzi vakafa pavaibata hove mugungwa racho. Mashoko acho okuyeuchidza anoti: “Vamwe vaikukurwa nemhepo yaiva nesimba uye mafungu akaita semakomo aibva kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Vamwe vaingofa voga vari muigwa duku rakanga rarasika romungarava yaivasvitsa kunzvimbo yokubatira hove. Dzimwe ngarava dzaibonderana mumadutu dzichibva dzanyura. Dzimwe dzacho dzairoverwa nengarava dzaiva munzira madzaifamba.”
Mashoko acho okuyeuchidza anopa uchapupu hunosuruvarisa hwokushanda zvakaoma uye zvine ngozi kwakaitwa nevabati vehove mumazana emakore adarika. Chimbofungidzira kuchemwa kwakaitwa varume, vanababa, madzikoma, uye vanakomana vakafa. Asi, Jehovha Mwari haakanganwi chirikadzi, nherera, kana kuti vaya vakafira mugungwa. Muapostora Johani akataura izvi zvichaitika munguva yemberi, achiti: “Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” (Zvakazarurwa 20:13) Panguva yokumutswa kwavo, vaya vaka“burukira kugungwa vari mungarava” vachaona “mabasa aIshe” anoshamisa zvechokwadi.