RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 6/1 p. 32
  • Unokurukura Nevaya Vaunoda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokurukura Nevaya Vaunoda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 6/1 p. 32

Unokurukura Nevaya Vaunoda Here?

“MANO edu okukurukura nevadiwa vedu ari kuderera zvinoshamisa,” rinodaro pepanhau rokuPoland rinobuda vhiki nevhiki, rinonzi Polityka. Zvinofungidzirwa kuti, muUnited States vakaroorana vanongopedza maminitsi matanhatu chete pazuva vachikurukurirana nenzira inobatsira. Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti hafu yokuparadzana uye kurambana kwose kunokonzerwa neizvi.

Zvakadini nokukurukurirana kwevabereki nevana? Kazhinji, “pane kuti kuve kukurukurirana, kunova kubvunzurudza, sokuti: Chikoro changa chakadini? Shamwari dzako dzakadini?” rinodaro pepanhau rataurwa pamusoro apa. “Vana vedu vachadzidza sei kuva noushamwari hwepedyo?” rinobvunza kudaro.

Sezvo unyanzvi hwokukurukurirana kwakanaka husingangoerekani hwavapo, tingavandudza sei mano edu okukurukurirana? Mudzidzi wechiKristu Jakobho akatipa zano rinokosha rinoti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Chokwadi, kuti tikurukurirane zvinovaka, tinofanira kunyatsoteerera kwete kudimburira nokusashivirira kana kuti kukurumidza kugumisa nyaya yacho. Usatsoropodza nokuti zvinogona kumisa nyore nyore kukurukurirana kwacho. Uyezve, Jesu aishandisa mibvunzo younyanzvi, kwete kuti aongorore, asi kuti aite kuti vateereri vake vataure zvaiva mumwoyo yavo uye kuti asimbise ushamwari hwavo.—Zvirevo 20:5; Mateu 16:13-17; 17:24-27.

Uchishandisa mazano akanaka kwazvo ari muBhaibheri, tanga iwe kukurukura uye kutaura nevaya vaunoda. Izvozvo zvingaita kuti pave noushamwari hwakanaka huchakosheswa kwemakore akawanda—kunyange kwoupenyu hwose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe