RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 5/15 p. 3
  • Vanhu Vangagona Kupedza Urombo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vangagona Kupedza Urombo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Zvakadiniko Kana Mhuri Yedu Iri Yourombo?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 5/15 p. 3

Vanhu Vangagona Kupedza Urombo Here?

MAMIRIYONI evanhu anokura asingambozivi chinonzi urombo. Havasati vamborara nenzara kana kurara vachibvunda nechando. Kunyange zvakadaro, vakawanda vevanhu ivavo vanonzwira varombo tsitsi uye vanoita zvose zvavanogona kuti vavabatsire.

Zvisinei, chokwadi chinorwadza ndechokuti varombo ndivo vari kutambudzwa nehondo dzevagari vomunyika imwe chete, mafashamo, kusanaya kwemvura, uye mamwe matambudziko. Zvinhu izvi zvinotambudza varimi vomuAfrica vanongorimira kuwana zvokudya. Vamwe vakamanikidzwa kusiya misha yavo vachitamira kumaguta makuru kana kuti kugara sevapoteri mune imwe nyika. Vamwe vanogara kumaruwa vanotamira kumaguta nokuti vanonyengerwa nevimbiso dzokuti kune upenyu huri nani.

Mumaguta akawandisa vanhu ndimo munowanzotangira urombo. Hamuna nzvimbo yokurima. Kakawanda zvakaoma kuwana basa. Vazhinji vanozoita zvoutsotsi nokuti vanenge vashaya chokubata. Vagari vomumaguta vanochemera kubatsirwa, asi hurumende dzevanhu hadzigoni kupedza dambudziko rourombo riri kuwedzera. Richitaura nezvomushumo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose wakabudiswa muna November 2003, pepanhau rokuLondon rinonzi The Independent rakati: “Vanhu vanoziya nenzara vari kuramba vachingowedzera pasi pose.” Rakawedzera kuti: “Zvinofungidzirwa kuti vanhu mamiriyoni 842 pasi pose havana zvokudya zvinovaka muviri—uye nhamba iyoyo iri kuwedzerazve gore roga roga nevamwe vanhu mamiriyoni mashanu vane nzara.”

Dzimwe nguva bazi reZvapupu zvaJehovha rokuSouth Africa rinogamuchira tsamba dzinobva kuvarombo. Somuenzaniso, mumwe murume wokuBloemfontein akanyora kuti: “Handishandi, uye ndinoba muguta pose pandinongowana mukana wacho. Kana ndikasaba, tinogara mazuva akawanda tisina chokudya—tisingatauri hedu nezvokutonhorwa zvakanyanya. Basa hariwaniki zvachose. Vakawanda vanongomberereka mumigwagwa vachitsvaka basa uye chokudya. Ndinoziva vamwe vanotsvaka zvokudya mumabhini. Vamwe vanozviuraya. Vakawanda vakafanana neni vakaora mwoyo uye havana tariro. Zvinoita sokuti hakuna tariro yeramangwana. Mwari, uyo akatisika tichida kudya uye kuzvipfekedza, haasi kuzviona here?”

Kune mhinduro dzinonyaradza dzokunetseka kunoita murume uyu. Sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, mhinduro idzi dzinowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe