RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 4/15 p. 30
  • Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Vimba naJehovha, Sezvakaita Samsoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Akaratidza Ushingi Paakanga Asina Simba
    Famba naMwari Neushingi
  • Murume Ane Simba Gurusa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 4/15 p. 30

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Chii chakaita kuti musi waDecember 25 usarudzwe sezuva rokupemberera kuberekwa kwaJesu?

Shoko raMwari harina parinombotaura nezvomusi wakaberekwa Jesu. Enciclopedia Hispánica inoti: “Hazvirevi hazvo kuti musi waDecember 25 unochengetwa Krisimasi ndiwo musi chaiwoiwo wakaberekwa Jesu, asi ndiwo musi waiitwa mutambo wokupemberera kubuda kwezuva munguva yechando muRoma.” VaRoma vekare vaipemberera kubuda kwezuva munguva yechando nokudya, mafaro, uye kupanana zvipo.—12/15, mapeji 4-5.

• Mabasa 7:59 inoreva here kuti Stefani akanyengetera kuna Jesu?

Aiwa. Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Jehovha Mwari chete. Achiona Jesu mune zvaakaratidzwa, zviri pachena kuti Stefani akanzwa akasununguka kukumbira kwaari zvakananga, achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai mudzimu wangu.” Stefani aiziva kuti Jesu akanga apiwa simba rokumutsa vakafa. (Johani 5:27-29) Saka Stefani akakumbira, kana kuti akateterera Jesu kuti achengetedze simba rake roupenyu kusvikira parumuko.—1/1, peji 31.

• Tinoziva sei kuti zvinozoitika muupenyu hwomunhu zvinenge zvisina kufanosarudzwa?

Mwari akapa munhu rusununguko rwokusarudza, rusina zviya zvokuti zvose zvinoitika zvagara zvakarongwa. Kwaizova kusava norudo uye kusaruramisira kuti Jehovha agare aronga zvinozoitika muupenyu hwedu uye ozoita kuti tizvidavirire nokuda kwezvatinoita. (Dheuteronomio 32:4; 1 Johani 4:8)—1/15, mapeji 4-5.

• Nei kwaizova kusava nomwero kutaura kuti zvishamiso hazviitiki?

Achiona kuti anongova noruzivo rushoma rwezvishamiso zvesayenzi yezvakasikwa naMwari, mamwe masayendisiti anobvuma kuti haachagoni kunyatsotaura kuti chimwe chinhu hachifi chakaitika. Anowanzoda kutaura kuti chingasaitika.—2/15, mapeji 5-6.

• Nei Mutongi Samsoni akaudza vabereki vake kuti aida kuti mwanasikana wevaFiristiya ave mudzimai wake? (Vatongi 14:2)

Kuroora munhu ainamata zvenhema kwaipesana nomutemo waMwari. (Eksodho 34:11-16) Asi, mukadzi wechiFiristiya wacho akanga ‘akanakira’ Samsoni. Samsoni “wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFiristiya,” uye mukadzi wacho akanga akamunakira nokuda kwechinangwa ichocho. Mwari akatsigira Samsoni achishandisa mudzimu Wake. (Vatongi 13:25; 14:3, 4, 6)—3/15, peji 26.

• MuKristu anofanira kupa mushandi wehurumende mari yokutenda kana kuti chipo nokuda kwebasa rake here?

Hazvina kunaka kupa mukuru mukuru chiokomuhomwe, kumupa chimwe chinhu chinokosha kuti aite zvisiri pamutemo, kuti arege kururamisira, kana kuti tibatwe zvakanaka. Asi hachisi chiokomuhomwe kupa munhu anoshandira voruzhinji mari yokutenda kana kuti chipo paanoita basa raanofanira kuita kana kuti tiitirwe basa riri pamutemo kana kuti tisabatwa zvisina kunaka.—4/1, peji 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe